‘Unondizora njovhera’

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Unondizora njovhera’ court

Kwayedza

Gamuchirai Muzanenhamu
Chirevo chinoti nyadzi dzinokunda rufu chinozadzikiswa nenyaya yemurume akaendesa mudzimai wake kudare redzimhosva achiti ari kumutambudza iye ndokuzofumurwa achinzi ndiye anogara achitapurira mukadzi uyu zvirwere zvepabonde. Edison Ringwa akamhan’arira Millicent Munemo kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumupopotera, kumuvigira mbatya dzake uye kuputsa mahwindo emota yake.

“Ndiri kuda gwaro redziviriro kubva kwaari nekuti anondipopotera ndisina zvandatadza. Anondivigira mbatya dzangu, ndinodzitsvaga ndodzishaya ndotya kumubvunza nekuti anobva atanga kupopota uye mota yangu akaiputsa mahwindo zvekuti ndava kutya kugara naye,” anodaro Ringwa.

Anoti Munemo anomutumira mashoko panhare pake achimutuka zvinyadzi nekumutyisidzira.

“Anotumira mameseji achindituka zvinyadzi nemashoko anotyisa,” anodaro Ringwa.

Munemo anopikisana nezviri kutaura naRingwa achiti nyaya yavari kunetserana ndeyekuti ari kupedzera mari yake kushamwarikadzi asingachengete mhuri yake.

“Zvese zvaari kutaura manyepo, ari kungoenda pamusoro penyaya, haasi kuda kutaura zvinoitika chaizvo. Ane shamwarikadzi yaari kufambidzana nayo, ndiyo yaari kutuma kuti imutengere hembe asi mumba munenge musina mari.

“Ndikamuti ndipewo mari yevana yechikoro, anonditi haana, ndipo pandinotora hembe dziya ndotengesa, mari yacho ndobhadharira vana,” anodaro.

“Izvozvi akandizadza chirwere chepabonde kaviri asi kuti andibhadharire mari yemushonga haadi. Mumota munenge makazara marisiti ehwahwa hwaanenge akatengera mashamwarikadzi ake uye ndinoona muine midzi yaanoshandisa kuzvirapa, asi ini achiti haana mari. Nehasha ndinozoputsa mahwindo emota yacho yaanodada nayo,” anodaro Munemo.

Mutongi Larzin Ncube akapa Ringwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>