Unoti handichada, sarenda, eke!

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa
NDINOZVIZIVA kuti wakambosvika paye pekuti unoti handichada, sarenda, eke! Handichada, ndisiyei, musandibate, musandinyengetedze! Asi chaunogona kutadza kuona pakusada kwako ndechekuti kune vakamirira kuti uti hauchada. Havapere vanhu vanoti hembe yako yakanaka ngaibvaruke tiwane zvikorobho.

Asika, newewo usangobatwa nemweya wekukurumidza kuramwa nekufuratira. Gudo hariramwirwe munda. Zvakarewo ziva kuti zvinorema nezvinorwadza zvinouya, uye dai gomo chairo raive diki kufanana negomo resadza riri mundiro, tingadai tisingakwanise kurikwira.

Ariko makomo anonetsa kukwira, asi uchaona kuti kana wazorikwira ukasvika pamusoro paro, uchaona kuti kune rimwe divi regomo kune Jerusarema, musha wakanaka, wakachena kunge hembe dzemuchato.

Neniwo panguva yandakanga ndichifunga kuti ndine hama dzangu dzandinowirirana nadzo, pakaita imwe hama yakazara neruvengo zvekupfachukira. Ruvengo rwake rwakayerera rwukaita hova nemadziva zvine makarwe, nyoka nemashaki. Hama iyi yakataura mashoko asina mutsa, mashoko anokoromora masvingo pachisara pave nejecha rinombumuka kunge guruva rechigayo chehupfu.

Asi kana Mwari votaura havashevedzere, uye havakoke vatapi venhau.
Mwari vanotaura vachishandisa zvinhu zvavakambotaura kare asi nenzira itsva.

Neniwo ndashamisika pandakaita dambudziko rekupandukirwa nehama yangu. Ndiri pakati pekutambudzika nekuzvibvunza mibvunzo kuti chokwadi here hama dzangu chaidzo, vana vababa vangu vangandidaro?
Ndiri pakati pekupishana pfungwa, Mwari vakandiratidza murwi wetsotso.

Ndakashaya kuti tsotso idzi dzakanga dzichirevei. Mwari vakabva vandiendesa muBhaibheri, kuchitsuwa cheMalta mushure mekunge Pauro nevamwe vasungwa vakanga vachienda kuRoma vakaparadzirwa chikepe chakanga chakavatakura.

Pavakasvika pachitsuwa cheMalta, kunze kwainaya, uye kuchitonhora. Vakagamuchirwa nevanhu vaigara pachitsuwa apa, uye vakakwanisa kubatidza moto wekuti vadziye.

Pauro akaunganidza akatakurawo tsotso dzekuti aise mumoto kuti vanhu vadziyirwe. Asi patsotso dzakatakurwa naPauro makanga mune nyoka mukati. Nyoka iyi yakazoruma Pauro paruwoko ikanamirapo.

Vanhu vakanga vachiona mashura aya vakati semusungwa, zvakanga zviri pachena kuti vamwari vaiti Pauro akanga asingafanire kurarama. Chikonzero chiri chekuti sei akanga arumwa nenyoka inouraya iye apona kubva murufu rwechikepe chakanga chaparadzwa nemhepo?

Asi Pauro akazunzira mumoto nyoka yakanga yamuruma ikanamira paruoko rwake. Adaro, akaenderera mberi nekudziya moto.

Vanhu vakanga vachiti achazvimba, asi haana kuzvimba. Vamwe vakati achadonha obva afa nekuda kwehuturu hwenyoka, asi haana kudonha.

Inguva zhinji dzatinounganidza vanhu, mungava mumabasa, mune zvematongerwo enyika kana muchechi chaimo.
Tinounganidza vanhu tichifunga kuti vanhu asi dziri nyoka. Kufanana naPauro akaunganidza tsotso achifunga kuti itsotso.
Tinozoti tave nevanhu vaye, vachatishamisa vave kutiratidza chokwadi chezvavari. Vachatiitira mashiripiti.

Vachatirwadzisa zvekuti vamwe vanhu vachationa vakatinzwira tsitsi nekuti sekuona kwavo nekufunga kwavo, hatingararame pamashoko nekuita kwevanhu ivavo.

Eheka, ndivo vanhu vaye vanoungana nekuti uri kupopoterwa nekunyadziswa. Vamwe vanenge vachitora mavhidhiyo ekuzomwaya paWhatsApp.
Asi ngatidzidze kubva mukutaura kwaMwari.

Pauro akanga asiri kuzofa iye amboudza vamwe vaakanga anavo muchikepe kuti hapana akanga achazorasikirwa nyangwe nebvudzi remumusoro make chairo.

Saka iwe ungaone tsotso, asi wotadza kuona nyoka iri mutsotso. Uchaitakura nyoka, uchifunga kuti uri kutakura tsotso.
Kana warumwa nenyoka yanga iri mutsotso, finhura Satani. Usaridze mhere nekuti Mwari vakarwira Pauro vanokurwira newewo. Mate evaye vanokusvipira ngaatorwe nemhepo adzokere kumeso kwavo!

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey