Unoziva paumire here maringe nehiv, stis, rurindi, shuga?

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
Unoziva paumire here maringe nehiv, stis, rurindi, shuga?

Kwayedza

ZIMBABWE nguva pfupi yadarika yakaparura dingindira remhemberero huru dzeWorld AIDS Day iro rinoti “Ziva Paumire” nechinangwa chekuti vanhu vange vachiziva – kwete maringe neHIV bedzi – asi nezvimwe zvirwere zvepabonde, rurindi, shuga, gomarara nezvimwe zvisina zviratidzo zvinooneka.

Chiitiko ichi chakapindwa nenhengo dzedare reParamende, vamiriri vevanorarama neutachiona hweHIV pamwe nenhengo dzeProvincial AIDS Action Committee (PAAC) yeMasholanaland Central rinova dunhu richaitirwa mhemberero dzegore rino nomusi waZvita 1.

Zimbabwe yakaita basa guru mukurwisa HIV neAIDS mumakore adarika kubudikidza nekuwaniswa kwevanhu mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs.

Kubva kuvanhu 5 000 muna2014 munyika iri kusangana nezvigozhero zveupfumi hwenyika kuenda pa1 200 miriyoni vari pamishonga yeART.

Huwandu hwevanhu vari kurarama neutachiona hweHIV hwakaderera zvakasimba apo hwaidarika 1 percent muna2005 kuenda pa0,44 percent mugore ra2016.

Mumiriri wemapoka akasiyana achipa mashoko ake.

Mumashoko avo avakaverengerwa nasachigaro webhodhi reNAC, Dr Evaristo Marowa, gurukota rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana Dr Obadiah Moyo vanoti Zimbabwe ichiri nerwendo rwukuru maringe nekuti vanhu vange vachiziva pavamire.

Dr Moyo vanoti pasina kuongororwa utachiona hweHIV munhu haangakwanisi kuti ange achiwaniswa mishonga yemaARVs, kuchecheudzwa uye vanaamai vakazvitakura havangakwanisiwo kudzivirira utachiona uhwu kumwana.

Zimbabwe ine tarisiro yekuzadzikisa zvinangwa zve90-90-90 Global Targets zvekupedza AIDS mugore ra2030.

Izvi zvinokwanisika bedzi kana vanhu vachinge vachiziva pavamire. Panodiwa zvakare kuti pave nekusandurwa hwehunhu pakati pevanhu vanotengesa muviri, vanofamba nzendo ndefu vakadai sevatyairi vemabhazi nemagonyeti anoenda kune dzimwe nyika, vari mumajeri nevechidiki.

Sachigaro wePAAC mudunhu reMashonaland Central Province, Senator Angeline Tongogara, vanoti vari kukoka vanhu vese kuti vange vachiuya kumhemberero dzeWorld AIDS Day.

Zvimwe zvichaitwa pagungano iri kubatidzwa kwemakenduru senzira yekuranganirira vanhu vatisiya nekuda kweHIV.

Pasi rose, mhemberero dzeWorld AIDS Day dzinoitwa nomusi waZvita 1 uye dzinopa mukana wekuti vanhu vange vachibatana mukurwisa HIV pamwe nekutsigira vanhu vanorarama neutachiona uhwu.

Share This:

Sponsored Links