Upenyu hwanhasi nehwakare

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

KANA bvunzo rapera kunyorwa muzvikoro, varairidzi vegwaro rechinomwe vanotarisirwa kuti vagadzire chinyorwa chinoburitsa zvichaitwa navana apo vanouya kuchikoro vachimirira zvinobuda pabvunzo izvo zvinowanzouya gore ronopenderwa. MuchiRungu inonzi “post-exam time table”. Ivowo vana vanotsvagawo zvavo zvinovavaraidza kana vabva kuchikoro. Nzira dzekufambisa nguva idzi dzinosiyana, zvoitwa mazuva ano nezvakare. Zvikomana nezvisikana zvakare zvaiva nematandariro azvo akatosiyana neavako zvino.

Mazuva ano nekuda kweruzivo rwechizvino-zvino (technology) vana vava kuswera vakazvivharira mudzimba vachiona zvivhitivhiti.

Muzvivhitivhiti umu munobuda mitambo yevadiki nevakuru zvekuti vana havachina nguva yekushamwaridzana nevamwe kwavanogara. Dandemutande rehushamwari iro raitarisirwa nekudzidzisa vana hakuchina. Angova mazvake

mazvake zvekuti hushamwari chaihwo hapachina.

Ndiko kusaka nhasi uno vana vava kunyanyofarira zvekunze kwenyika, zvimwe zvacho zvisina maturo. Kutorwa kwezvinodhakwa kwaisavako kare, asi iye zvino vana vakamirira bvunzo ndivo vava shasha dzemisombodhiya nezvimwe zvinodhaka.

Vana vakare vaive nezvakawanda zvavaiita nemazera avo zvokuti hapana aiwanikwa achiita zvake zvake. Vakomana vaiita makwikwi ekuruka zvamboko.

Waiti ukaonekwa nevamwe uchiri kuruka mutatu waisveveredzwa nekuti vamwe vainge votogona kuruka ngunde yemutanhatu. Izvi zvaikumanikidza kubatana nevamwe kumakura muchidzidzisana murukirwo mutsva wetyava. Vaisapererwa nekuti vabva mukuruka tyava vaizogadzira nhava iyo yaida makavi emutsamvi kana mupfuti.

Mukugadzira nhava vamwe vaishandisa maoko ega asi vamwe vaisevenzesa dumbo. Nhava idzi dzaishandiswa kutakurira mbuva kumafuro kana pakunovhima. Vaigadzira mvaisi nemupfuti zvakare iyo vaishandisa kurova mhuka neshiri.

Dzimwe nguva vaiteya madhibhura nemisungo kubata mhuka. Izvi zvaida hunyanzvi nekuti zvaisava nyore kuzokohweredza mhuka inenge yabatwa iri mhenyu nemusungo.

Vaizoti kana vakuda kuzorora pasi pemimvuri, vaibva vaburitsa makono enyimo votanga kusika.

Kudya kwaisavanetsa nekuti vaikama mukaka mumombe vobva vaukodzeka kumafuro ikoko vachishandisa muto wematunduru. Michero zvakare yaisava yenhamo. Nguva iya inozorora mombe dzichizeya, zvikomana zvaiita mutserendende zvichishandisa nhanzva.

Ndiyo zvakare nguva yaidzidzirwa kuridza zvikokohwiyo nemheterwa nevakomana.

Vasikanawo vaisangana kwavo kwaidzidzisana twakasiyana sekutunga chuma, kutsvaga rondo uye kuunganidza nekusunga masvinga ehuni.

Vaisangana kurwizi uko vaikwesha man’a netsvanzva.

Vaizonopinda musango vachisarudza hohwa hwakaita sefirifiti nechihombiro kubva kune humwe hunokora. Vaiunganidza tsombori netsambatsi zvekunodya navamwe kumba.

Vakomana apo vaitamba horikotyo vasikana vaitamba nhodo vozosangana manheru apo vaizotamba chinungu, chihwandehwande nesarurawako. Vaitambazve jenaguru nechinyambera.

Mitambo yese iyi yaiitwa mumapoka zvekuti zvainetsa kuti munhu agobatana nezvake ega zvisina maturo

Share This:

Sponsored Links