Uncategorized

‘Upfumi huri kubudirira’

21 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
‘Upfumi huri kubudirira’ President Mugabe lights up the flame marking 37 years of independence.-Picture by Munyaradzi Chamalimba

Kwayedza

Tandayi Motsi —
MUTUNGAMIRIRI wenyika President Mugabe vanoti Hurumende iri kutora matanho akasimba ekusimudzira upfumi hwenyika izvo zviri kuonekwa nebudiriro huru muzvikamu zvakasiyana.

President Mugabe vakataura mashoko aya kunhandare yeNational Sports Stadium, muHarare, nemusi weChipiri svondo rino pamhemberero dzekusvitsa makore 37 Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere.

President Mugabe vanoti Hurumende icharamba ichisimudzira nyaya dzeupfumi hwenyika nedonzvo rekusimbaradza kuwana kweZimbabwe kuzvitonga kuzere.

“SeHurumende, tinofanira kuramba tichiita zvirongwa zvekusimudzira upfumi hwenyika nemagariro akanaka evanhu senzira yekusimbaradza kuwana kwatakaita kuzvitonga kuzere,” vanodaro.

Vanoti Hurumende iri kuita izvi kuburikidza nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZimbabwe Agenda for Sustainable Socio-Economic Transformation (Zim-Asset).

President Mugabe vanoti muenzaniso webudiriro iyi uri kuonekwa pachirongwa cheCommand Agriculture apo nyika iri kutarisira goho guru rechibage mwaka uno.

Izvi zvinotevera rubatsiro rwakapihwa kuvarimi rwezvekurimisa zvakaita sembeu nefetereza, izvo zvakabva kuHurumende.

Muchikamu chezvemaindasitiri, vanodaro President Mugabe, Hurumende iri kutora matanho akasiyana kuchisimudzira.

Matanho aya anosanganisira kupihwa kuri kuitwa makambani ekunze mikana yekuti avambe kuita mabhizimisi munyika muno pamwe nekuongorora mafambisirwo ebasa kune vanoona nezvekupinda kwezvinhu munyika.

President Mugabe vanoti zvakare vanofara nekusimukira kuri kuita chikamu chezvekushanyirwa munyika. Mutungamiri wenyika vanorumbidza mauto eZimbabwe Defence Forces pamwe nemamwe mapoka anoona nezvekuchengetedzwa kwenyika nebasa guru ravari kuita, izvo zviri kuita kuti muZimbabwe muve nerunyararo.

Vanoti mauto akashanda nesimba nguva yadarika mukubatsira vanhu vaive vasangana nenjodzi yemafashamu emvura kumatunhu akasiyana enyika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey