Uncategorized

‘Uraya mwana ndikupe $200’

05 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
‘Uraya mwana ndikupe $200’ Emily nemwana uyo anoti ari kunzi nemurume wake auraye — Mifananidzo naTariro Kamangira

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUNYAYA inoratidza kuva nemwoyo wakashata zvikuru, murume anogara paMurehwa growth point ari kupomerwa kumanikidza mudzimai wake ari pachipari kuti auraye mwana wavo kasvava, murume uyu ozomuvhara muromo ne$200 sekumutenda.
Emily Simon (23), wemumusha weNorth East, anoti murume wake, Emmanuel Mangwende (36), ari kumuti auraye mwana wavo mucheche.
Asi Mangwende ari kurambisisa nyaya iyi achiti aya mashoko akananga kumusvibisa.Simon anoti Mangwende akamutumira mashoko ekuti auraye mwana wavo apo aive achiri muchipatara mushure mekumusununguka.
Kwayedza ine mashoko ehurukuro pakati pevaviri ava panhare apo panotaurwa nyaya iyi.
“Ndine nyaya iri kundinetsa iyo iri kutaurwa nemurume wangu. Ndine mashoko aakanditumira (panhare) ndiri muchipatara ndasununguka mwana ainge asina kukwana nguva yake (gavamwedzi) achinditi ndiuraye mwana uyu.
“Anonditi anozonditenda nekundipa $200 uye ndikauraya mwana wedu, ndinobva ndabuda muZimbabwe ndoenda kuSouth (Africa),” anodaro Simon muhurukuro yaakaita neKwayedza svondo rapera.

Emmanuel Mangwende

Anoenderera mberi: “Ndikamubvunza kuti sei achida kuti ndiuraye mwana uyu, asi anoshaya mhinduro, saka ndinongoti dzimwe nguva inyaya yekuti mwana uyu igavamwedzi.”
Mwana uyu anonzi akasunungukwa nemusi wa22 Nyamavhuvhu gore rino muchipatara cheMurehwa District Hospital mimba iine mwedzi minomwe.
“Ndasununguka mwana mukomana uyu, ndakamutumidza kuti Nenyasha baba vacho vachibva vamuti Miracle. Ndakazoendeswa kuchipatara cheMarondera ndikazonogarako mwedzi nemasvondo maviri. Ipapo ndipo murume wangu ainditumira mashoko achindikumbira kuti ndiuraye mwana izvo ndakaramba,” anodaro Simon.
Mudzimai uyu anoti akazobuda muchipatara nemusi wa3 Gunyana, ndokudzoka kumba uko anoti ari kugara oga uye murume wake haasi kuuya kuzoona mwana.
Mwana uyu ava kuratidza kuva chigwindiri chaicho.
“Murume wangu anonditengera zvekudya nekubhadhara rendi, nemishonga yemwana anotenga. Asi mashoko anondityisa ndeekunzi ini ndiuraye mwana wangu.
“Handizive kuti anoda kumuchekeresa here, basa raanoita hariite kuti tingati anoda kuchekeresa nekuti ndi’vendor’ mumusika wepaMurehwa Centre.”
Mukadzi uyu anoti murume wake aimboda zvakare kuti abvise nhumbu yemwana uyu asi iye akaramba.
“Izvozvi mwana avapo, ava kunditi ndimuuraye. Anombotiwo mwana uyu haasi wake, anoda kuti tinoongororwa kuti ndewake here (DNA). Asi mbatya dzegadziriro yemwana waanoti haasi wake ndiye akatenga,” anodaro.
Mangwende anonzi ane mumwe mudzimai mukuru uyo waanogara naye mubhuku raZihute, ikoko kwaMurehwa.
“Nemurume uyu takatanga kugara tose mugore ra2012 ndichiri kumba kwedu kuChemapango, ndokuzouya ave kundirojera muno muCentre. Akandibudira pachena kuti ane mudzimai nevana vaviri, hamheno kuti amaiguru akavaudza here kuti kune mumwe mukadzi nekuti hatisati taonana,” anodaro Simon.
Mudzimai uyu anoti ane mwana wake wakaita nemumwe murune asati atorana naMangwende.
Achipawo divi rake, Mangwende anoramba kuti akatumira mashoko kumudzimai wake achimuti auraye mwana wavo. “Izvozvi mwana ave nemasvondo matanhatu azvarwa, kubva iri nhumbu ndinochengeta. Akauya achinditi ndakamutumira mashoko ekuti auraye mwana ini ndikamuti handisini ndakatumira mashoko iwayo, hamhenowo mumwe munhu,” anodaro Mangwende.
Murume uyu anoti fungidziro yekuti mwana haasi wake anayo, achiti mudzimai wake uyu ane zvikomba zvakawanda.
“Zvekuti tiende kumaDNA tests ndiri kutoda nekuti ndinoti mwana haasi wangu. Iye mukadzi uyu anogara achiti ndichafa ndichipondwa, ndichibaiwa nebanga kana kupfurwa nepfuti. Zvino ndave kutya.
“Asi zvekuti ndakamuti uraya mwana kunyepa, kungoda kundisvibisa nekuti ndiri munhu anozivikanwa,” anodaro.
Anoti kana Simon aine chokwadi chekuti akamuti auraye mwana, sei asina kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.
Mukadzi uyu anoti haana kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa nekuti anoda murume wake uyewo anoramba kuti anoita zvechipfambi.
“Nhamba dzakatumira mashoko ekunditi uraya mwana ndedzake Emmanuel murume wangu dzinoti 0784 115 000. Ndakatya kuti akaenda kujeri ndinosara ndichitambura nemwana.”
Mangwende ari kurambazve kuti nhamba dzenhare dzakashandiswa kutumira mashoko kumudzimai wake ndedzake, kunyangwe zvazvo ongororo yakaitwa neKwayedza yakaburitsa kuti nhamba idzi dzakanyoreswa muzita rake.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Comissioner Paul Nyathi, vanokurudzira veruzhinji kuti vamhan’are dzimwe nyaya dzisati dzaitika kana paine munhu ari kutyisidzira kuti anoda kuzopara mhosva kana kuti kufurira mumwe kupara mhosva.

Share This:

Sponsored Links