Uncategorized

Uri kusechwa mweya wako

16 Jul, 2015 - 00:07 0 Views

Kwayedza

NDINODA Mwari zvekuti handidi kutamba nevanhu vanotamba naMwari. Mumazuva ano, chechi dzave kutyisa kunge nyoka. Unoenda kuchechi uchitarisira kunonzwa shoko rechokwadi, rinoswededza pedyo naMwari, asi shoko raunonzwa nderekukuswededza pedyo nezvinhu, nenyika, nevanhu, maporofita nemafundisi.

Unoenda kunoungana nevamwe, asi mukuungana ikoko, uchaona kuti waunganira vanhu vemasikechi kana majokes kunge Kapfupi, Parafin, Mutirowafanza kana Mukadota.

Vachakuvaraidza nezvinoshamisa zvavanenge vachiita. Uchanakidzwa ugoseka, asi kana wobva pavari, unenge wareruka kunge shanga nekuti unenge une nzara yeshoko. Inga wani Jesu akati, “Mweya ndiye anopa hupenyu. Nyama haina maturo. Mashoko andakataura kwamuri ndiwo hupenyu.”

Vafundisi vanofanirwa kutungamirira nekufudza vanhu kuti varege kufa. Ndivo masekiyuriti gadhi emweya yevanhu. Zvakanzi nevamwe mufundisi, mazuva atiri ano, vamwe vafundisi ndivo vatova muyedzo mukuru kwazvo. Dai vaingoperera pakuve muyedzo chete, zvino vave ndururani, ngarara, zvigeven’a, nhubu, ny’any’a chaidzo. Zvavanoita zvakasiyana nezvinodiwa neshoko raMwari.

Chifundisi chasvibiswa zvekuti kana munhu akasvika panzvimbo, akazvizivisa kuti mufundisi, vanhu vanobva vatotanga kumucherechedza nekumugayira horror chaiyo.

Mazuva ano zvave kuita sekuti kana munhu ari mufundisi, anofanirwa kunge ane zvimwe zvinhu zvinoshamisa nekutyisa zvaanoita. Zvave kuita sekuti kungove mufundisi asingaite mashura nekuburitsa madhimoni hakusi kushandira Mwari. Asi sezvinoreva izwi rekuti “mufundisi”, mufundisi anofanira kunge ari munhu anodzidzisa vanhu chokwadi chaKristu chinoponesa, nekuita zvinofadza Mwari.

Munguva dzino dzatiri dzekuoma kwehupenyu, kudzingwa nekupera kwemabasa, kushaya mari, kunyengedzwa nekusavimbika kwevanhu – kunamata nemachechi zvapindwa nevanhu vasinei naMwari, asi vakaona mikana. Ndiro dambudziko rave kuita kuti mharidzo zhinji dzinge dziri dzekuropafadzwa nemari, mota, imba, basa, michato.

Kutya Mwari nekururama hazvisisina nzvimbo muzvinhu zvose zvatiri kuita. Jesu aripo panze paari kugogodza kuti timuvhurire, asi hatisi kumunzwa nekuti maziso edu nemwoyo yedu zviri pane zvimwari zvinopenya zvaakaramba paye paakanzi naSatani ukandipfugamira ndinokupa zvose izvi.

Dzimwe nguva tinomunzwa kuti ari kugogodza, asi toramba kumuvhurira nekuti tinoziva kuti akapinda achatiudza kuti, “Imba yaBaba vangu ndeyekunamatira, haisi bako remakororo.”

Tinoramba kumuvhurira nekuti vafundisi nemaporofita edu ndivo vave ana mwari vedu.

Ini ndaramba kutamba nevanhu vanotamba naMwari. Mwari ndiMwari, uye Jesu akatidzidzisa kuti tibate zita raMwari nehutsvene, tirege kungoritaura sekunonzi takadhakwa. Nekuti nyangwe tikanzi takadhakwa, Bhaibheri rinoti kuna Zafanaya, “Ndicharova varume vagere pamasese avo, vanoti mumwoyo yavo, Mwari havangaite chakanaka kana chakaipa.”

Kuda kukwana-kwana nekuzviisa pachinzvimbo chaMwari kune rufu. Mwari vanoti, “Wakazviita iwe, ini ndikaramba ndakanyarara. Ukafunga kuti ndakafanana newe.” Kunyarara kwaMwari vanhu vachibvarukira semamvemve akaora hakureve kuti Mwari havaone zvakaipa kana zvakanaka. Asi ukarova Mwari marambakutya, kana vokudzosera unoita mabayo mupfungwa. Herodhi akafa akagara pachigaro nekuti haana kupa mbiri kuna Mwari. Akafa akabva atodyiwa nehonye ipapo-ipapo.

Ruponeso harwubve kumuporofita kana kuna mufundisi. Mutumwa haanamatwe. Nemiwo vanhu regai kuita nungo dzekutsvaga chokwadi chaMwari mushoko ravo. Kune chechi dziri kushandisa zita raMwari kuunganidza vanhu, asi pamunenge makaungana kudaro, muchiona nekuitirwa zvidavado, uchasechwa mweya wako. Pauchazoutsvaga, unenge wave mumaoko aSatani!

Share This:

Sponsored Links