Uncategorized

‘Uri zidofo pamasvomhu’

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MUKADZI wekuendesa murume wake kudare achida mari yekuriritira vana vavo akashamisika apo akaudzwa kuti idofo remakoko sezvo achivhiringwa nemasvomhu nekudaro anofunga kuti mari iripo asi ipo pasina. Onner Kamwaza akaendesa murume wake, Christopher Ngoshi, kuHarare Civil Court achida mendenenzi.

“Baba ava havachatombocheuka mhuri, ndiko kusaka tauya pamberi pedare rino. Hama dzangu ndidzo dzave kutochengeta vana vake kubvira kuzvekudya kusvika kumbatya. Murume atori neutano hwakaringana kudai, achitozviitira basa nemawoko ake ndiye ari kuda kuti vana vatatu vawane $30 apa ndine imwe mimba yemwana wakezve. Ndiri kuda $400 chete.

“Kamari kake ikaka zviri nani arege nekuti hapana kana zvakanobatsira. Chokwadi here vedare, munhu anobata $1 000 ichiraudzira pamwedzi oomerwa nekuchengeta vana vake chete? Iye rendi haabhadhare, haana bhazi raanokwira asi kungoda kuona vake vekubereka vachitambura,” akadaro Kamwaza. Ari kuchengeta nherera nhatu pamba patiri kugara asi vake vana achisiya vakadaro. Nyangwe chikanzi chido chekuchengete vasina, unganotora nherera dzekunze uchisiya vako vachiita nherera dzinotodawo rubatsiro?

“Akatotorazve mumwe mukadzi kutoratidza kuti anotokwanisa kumuchengeta zvichireva kuti mari anayo asi vake vana haanei navo,” akadaro Kamwaza. Ngoshi akapikisana naKamwaza achiti:

“Changamire, sekunzwa kwedu tose vadzimai vangu vati ndinowana $1 000 pamwedzi uye vane magwaro ane umboo hwacho.
“Pamari yavati ndinobata iyi havana kubvisa yerendi yepandinoshandira, yevandinoshanda navo kana yezvinhu zvandinoshandisa kuveza kwacho. Tikabatanidza mari dzose idzi neyebhazi, mari yandinosara nayo inenge iri kuma$300 zvichireva kuti $400 iri kudiwa naamai ava zvinoratidza kuti svomhu dzaramba kutamba.

“Nyaya yekutadza svomhu iyoyo ndiyo yakaita ndimumise basa rekubata mabhuku emari. Anoda kuti zvinhu zvimufambire iye chete ko imwe mhuri yandiinayo?

“Mazuva ano zvinhu zvakaoma mundima asi ndinototi ndikawana kana $1 zvaro ndinoripatsanura nepakati kuti mhuri dzangu dzese dziri mbiri dziwanewo kurarama. Zviri kutaurwa naamai ava zvekuti vangu vana handiriritire kunyepa nekuti kana ndichitadza kuvachengeta ndipo pandaizotora vana vemukoma wangu mushakabvu kuti ndivachengete?”

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati nyaya yavaviri ava izodzoka zvakare mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey