Uncategorized

us$ 10000 ine ‘juju’ musango…‘Imari yakarasirirwa’

03 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
us$ 10000 ine ‘juju’ musango…‘Imari yakarasirirwa’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VANHU vagere mumisha iri pedyo nemabhizimisi eMatete, kwaMusami, mudunhu reMurehwa, vanoti vakasangana nemashura apo vakaita nguva refu vachiona mari yemaUS$ yakawandisa, hari yakamonerwa nemachira, nebanga rebakatwa zvakaraswa pakati pesango reko.

Vanhu ava vanoti vakaita masvondo vachiona mari yavanoti – nekungoitarisa bedzi – ingangosvika kana US$10 000 iri musango uye yakasungirirwa mishonga nehari yakamonererwa nemachira.

Mari iyi yakaita chinguva iripo sezvo veruzhinji vachiti vakatya kuitora.

Pakati penzvimbo yaive nemari iyi, panonzi painge pakabairirwa banga rebakatwa guru muvhu.

Mari iyi inonzi yaive musango rekuenda kurwizi Shavanhohwe, pedyo nemugwagwa unobva kumabhizimisi eMatete.

Madzibaba Shainby (33) vechechi yeJohane Masowe eChishanu vanoti mumwe wevanhu vakaona mari iyi.

“Mari iyi ndakaiona nemusi weMugovera wakadarika (masvondo maviri adarika). Yainge yakakandwa pasi, pamberi payo paine hari yaiva yakasungwa kumuromo kwayo nemachira matsvuku, machena nematema.

“Pakati pepaiva pakarasirwa mari iyi painge pakabairirwa banga, paine maUS$50 nemaUS$100,” vanodaro.

Vanoti panzvimbo iyi paityisa kusvika nekuda kwemishonga yainge yakamwaiwapo.

“Kune vamwe vanhu vandinoziva vakabudirira zvikuru medu muno, avo vandinofungira kuti ndivo vakaisa mari iyi. Handigone kukutaurirai mazita avo nekuti kuno ndiko kwandinogarazve, tinozovengana. Ndingagare sei?” vanodaro.

Madzibaba Shainby vanoti vakazodzokera kunzvimbo iyi vakanowana mari iyi pasisina.

“Nhasi ndaswera ndiri pachechi asi pandakaendako ndakawanawo mari iyi pasisina. ‘Vose vandinoziva vari kuenda kunodongorerako, vari kudzoka vachiti hakusisina mari iyi. Yakatorwa nevasina matyira, asi vachatakurana nazvo.

“Mari yakadai haitorwe, ingozi kana zvikwambo zvinenge zvaturikwa kana kuti zvarasirirwa.”

Madzibaba Shainby

Madzibaba ava vanoti pane mazita evanhu vari kutaurwa neveruzhinji vachinzi ndivo vakaverevedza nehusiku vakanotora mari iyi.

“Vakatora mari iyi vari kutohunwa hutsvuku (doro) kwaMusami vachidya nyika rutivi,” vanodaro.

Lawrence Chisvo (21) uyo anogarawo munzvimbo iyi anoti musi wazoonekwa mari iyi iri musango, kwakatanga kwadarika motokari nhatu idzo dzaimhanya zvikuru apo ivo vaiva paMatete.

“Tinofungira kuti vanhu vakadarika nemotokari nhatu dzakanaka zvikuru idzo dzaivhetemetswa ndivo vakanorasirira mari iyi nekuti takazongonzwa mangwana acho kuchinzi kwawanikwa mari zhinji musango. Isu vamwe takatya kuitora,” anodaro Chisvo.

Sekuru Mukunguta

Mashoko ake anotsinhirwa naPanashe Kanjanda (20) achiti zvakavashamisa kuti munguva ino yekunetsa kwemari, vamwe vanhu vari kuita yekunoirasira musango.

“Mari iyi yakasiiwa musango rekwaJoromani tave kuenda kurwizi Shavanhohwe.

‘‘Yaiva maUS dollar — ma$50 nema$100 matsva oga-oga. Iri kutaurwa huwandu hwakasiyana, vamwe vachiti US$10 000 vamwewo vachiisa pakati pe$5 000 ne$7 000.

“Iri kunzi yakazotorwa nevanhu vasingazivikanwe, pamwe kushaya matyira,” anodaro Kanjanda.

Panashe Kanjanda

Zvichakadai, imwe nyanzvi yezvechivanhu, Sekuru Thomas Yakiti Mukunguta (43), vari kuyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekutora zvinhu zvakarasirirwa – ingava mari kana zvipfuyo.

“Vakatora mari iyi vanogona kutokanganisika,kutopenga kana kugarwa nemweya yakaiswa pamari iyi, ingava ngozi kana chii. Vanhu ngavasiyane nekutora zvinhu zvakarasirirwa, dzinza rinopera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links