Usaite mhosho

26 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
Tikagara taziva kuti mudura matinoda kuisa mbesa dzatichakohwa muchaita zvipfukuto tinogara taisa mushonga kuti tichengetedze goho redu. Tikaita mberengera tinoradza ambuya nenzara uye tinozogomberwa mberi apo tinenge toda kuti tichitora mumatura, wanei zvipfukuto zvawaridza bonde karekare.

Tinofanirwa kubva tangoziva kuti patinogona kubatwa nemusungo ndepapi tobva tagara tagadzirisa kuti dhibhura rigoshaya wekurova. Tikadai tinenge tarigonera dokoriro kuripa sadza negusha.

Mhosho dzandiri kuda kubvanzaura imhosho dzinobata pepa repiri rinova rerondedzero nenzwisiso. Ndinoda kuti tione kuti kana tichiti tinowana zvibodzwa zvingani parondedzero zvinobva papi. Pepa redu iroro rine mwero waro wekuburitsa goho kubva mumuripo wezvibodzwa makumi maviri (out of 20).

Pane twunhu twunotitanhaurira goho redu zvishoma nezvishoma dzamara tasara padokodoko kudonha. Twunhu itwotwo twunoita setwuduku asi twunosakadza dura sare angova magufu chete.

Kana vanamazvikokota vauya, vaya vakwenyi vebasa, vanenge vave kutwuti mhosho huru (gross errors). Mhosho huru dzacho dzinobvira kune dzatakambobata pamashure asi toda kudzibata zvine hudzamu kuti tibva tangwarira.

Mhosho huru yatingatanga nayo imhosho yezviperengo. Chero zvazvo takambobata nyaya yezviperengo muzvikamu zvapfuura, hatina kunge taisvitsa kutsime. Tati tiibate tiine humboo hunobva mutsvagurudzo.

Vana vanopfukutirwa goho ravo nenyaya yezviperengo kana vasina kuigadzirisa nguva ichipo. Kugona zviperengo kunobva mukubata mutemo wezviperengo unoti zviperengo zvinovakwa nekubatanidza nzvanyira (consonants) nenzvovera (vowels) nemazvo nekuzoburitsa nyaudzira.

Iyi dzidzso ndiyo ine midzi yekugona zviperengo nekudaro chero vaya vane dambudziko rekuverenga, vakapiwa iyi dzidziso vanenge vatorapwa hosha yaigona kuvapfukutira goho ravo

Imwe mhosho huru ndeyekutadza kuita pfekedzo yakakodzera (punctuation). Pfekedzo inobata pakawanda kusanganisa kushandisa zvimiso nekushandisa mavara makuru. Pazvimiso zviripo zvakati wandei zvinoti chindaguma, chifemo, chibvunzo kana chituravhunduko. Imwe pfekedzo inopinza nyora dzinoratidza mazwi chaiwo anyakutaura (inverted commas).

Hapana patinotaura zvepfekedzo tichisiya kushandiswa kwamavara makuru. Zvose izvi zvikasaitwa namazvo vana vanopera kuchoborerwa goho ravo. Vana vanoda kupiwa dzidziso yakakodzera kuti basa ravo risatsvukiswa nevakwenyi richizokwezva goho dikidiki.

Vana vazhinji havo chero nevamwe vakura havagoni kuita patsanuro nebatanidzo yamazwi nekudaro vakwenyi vanoona nhamo nekuedza kuratidza kupotsa kunoita vana. Iyi dzidziso inoda nguva ichiripo kuti vana vagopiwa mukana wekudzidzira kupedza iri dambudziko.

Kune magwaro akati wandei anoratidza nzira dzekupedza iri dambudziko. Chimwezve chingabatsira kupedza iri dambudziko ndechekupa vana zvinyorwa zverondedzero zvakawanda nguva nenguva kuti vaite rujairira kwete zvekumborega vachikomba nemhosho wozoda kuzoiti tiringindi. Vanoda kubatanidza mazwi asingabatanidzwi kana kuti vanodimbura mazwi asingafanirwi kudimburwa

Mumhosho dzevana imomo tinosangana nenyaya yekunyora nhanganyaya isingaenderane nemusoro wenyaya. Zvinobva zvabvisa kufadzwa kwemukwenyi tisati tamboendepi zvedu nechinyorwa. Chero ukachizonochikurunga sei chamandiriri, hazvichabatsiri nekuti hamuchafambidzani nemukwenyi webasa.

Vamwewo ndivo vanobuda mugwara remusoro wenyaya. Musoro wenyaya uri kuda zvawo iye munhu ari kupfotsoka akananga kwake.  Zvino mutemo unopiwa vakwenyi vebvunzo ndewekuti kubuda mugwara hakuna kana chibodzwa chimwechete.

Ugo hwemunyori hunobuda nekugona kutevedzera zvimwe zvezvatataura pamusoro nekuzotevedzera mwero wehurebu hwakatarwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey