Usakwidziridzwe kunge dzihwa

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

HANDISI gaffer, uye handidi kuita gaffer zvachose! Gaffer ndiye mukuru wavose, shasha yeshasha nemureza unosara wakamira mimwe mireza painodzikiswa.Asi kana uri gaffer, uri gaffer wechii? Kana ukatenga mombe ukaenda nayo kumba haisvike pamba yoenda kune huku, asi inotsvaga kune dzimwe mombe.

Nemunhu panyika pano ari kutsvaga zvinomukwidziridza kunge dzihwa, asi Mwari vachikufura. Ini handidi kudiwa kudarika Mwari nekuti handisi Mwari. Handidi kumirirwa kuti mudhara vachauya nekuti hupenyu hausi kumirira mudhara chete.

Muchavamirira mudhara vagorega kuuya. Saka waunotevera nekuteerera ndiani? Ko munhu iyeye akamira kufamba ucharamba uchimutevera iye amira here? Ko Dynamos ikatadza kuhwina uchapomera ani mhosva? Ko iye wauri kutevera zvaari kutoteverwawo nenhunzi dzanzwa kunhuhwa paari? Ko zvauri kupenga neni, uchitondiisa paProfile Picture yako, hausi kuzviona here kuti uri kunditevera neniwo ndakatorasika?

Musandipembedze nekunditaura kudarika Mwari nekuti handina kusika nyika. Neniwo nditoriwo mugari wenyika ino. Handinayise mvura kana kupedza maproblems enyu ndichimawacha. Musandichemere kana ndiri pastage ndichiimba kuti, “Kuchechi vanondibatirana . . .”

Musandichemere nekuti chimbo chandiri kuimba chichapera, uye neni wacho ndichaneta. Kana muchida kuchema, chemerai vari kufa vachinamatirwa kuti mweya yemadhimoni ibude asi vasiri kuudzwa kuti Jesu haasi mumunamato wekudzinga madhimoni. Jesu ari pedyo newe, kana ukamushevedza nemuromo mumwe chete iwoyo waunodyisa pitsa nekuimba kuti mudhara vachauya.

Musandiudze kunakidza kwandinokuitai nevhidhiyo yangu ndakamira pamota dzinodhura nezvidhuura zvevasikana zvisina kupfeka. Handisi mubhabhatidzi wemweya yenyu ndichikubhabhatidzai nemaparty nedoro. Ndiro doro radai kudiwa nyangwe nevana vadiki – broncho, mbanje, mapiritsi nezvimwe zvinobikwa zvisina hutsi. Chokwadi nzou dziye dzazopera kuurayiwa nemariva. Nemari yazoratidza kuti inomara.

Ini handidi kuita gurukota rembwa nekuti humbwa hausi hunhu. Handidi kuti kana maguta mutende munhu akatenga ndiro dzamadyira asi musingatende akubikirai.

Ndaramba hupenyu hwekuunganirwa ndichiporofita vanhu asi Mwari vasingandiudze chinhu pamusoro pangu iyeni nyakuporofita. Kundiporofita mari yakawanda yandichaita, asi iye Jesu akaporofita kare kuti zvakaoma kwazvo kuti mupfumi apinde muhushe hwedenga sekuoma kwazvakaita kuti ngamera ipinde nemuburi retsono.

Chengetai zvenyu chiporofita chenyu chemari nekuti ukapindurudza panoti mari panosara pave kuti rima. Musandiunganire kuti ndikunanzvei nerurimi rwenyoka. Rugare rwenyu kwandiri ruware. Satani akagara ari muurayi kubva kare.

Ndaramba kutungamirira kwekuboora saga reshuga nepadivi. Ndinotya Mwari nekuti Mwari havana kuzoti, “Ndanga ndichitamba nemi zvangu,” mushure mekunge vatipa Mwanakomana wavo.

Nesuwo tese tiri kuvhura machechi, tiri kuporofita for profit kana kutsvaga simba nembiri, ngatizive kuti kudenga kuna Mwari vanoti, “Wakazviita, ndikaramba ndakanyarara. Iwe uchibva wafunga kuti ndakafanana newe.”

Dyarai zvenyu nyama, asi muchakohwa honye, kunhuwa nekufa.

Ndisati ndagara zvangu pasi, rega ndikuyeuchidze kuti isu tinogona kusakuziva kuti ndiwe ani chaiye. Tinogona kukufarira zvekunanzva bhutsu dzako. Tinogona kushamisika nesitayera, nesimba rako rekuita minana nekunakidza vanhu muchechi nepaStage. Asi Mwari vanokuziva. Mwari vakakuona nezuro, vakakuona uri kuseri kwemusiwo. Firipi asati amushevedza kuti, “Tawana Jesu,” Mwari vakaudza Nathaniel kwaakanga ari nezvaakanga achiita, nezvaakanga achifunga.

Newewo usati wave gaffer, usati wazofunga zvekugadzira tochi yerima, Mwari vakanga vatokuona.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>