‘Usamhanyire kuenda pabonde’

28 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
‘Usamhanyire kuenda pabonde’ Tanyaradzwa Chafurama

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
SANGANO reNational AIDS Council (NAC) riri kubatana nereZimbabwe AIDS Prevention and Support Organisation (ZAPSO) mukuvamba zvirongwa zvakanangana nekupa chenjedzo kuvanasikana munyaya dzekuzvidzivirira kubva mukutapurirwa utachiona hweHIV neAIDS uye mukuita mabhindauko akasiyana.

Kuburikidza nechirongwa cheSister to Sister, masangano maviri aya ari kudzidzisa vanasikana kuti vasamhanyire kuita zvepabonde vachiri vadiki senzira yekuderedza kuparadzirwa kwezvirwere zvepabonde.

District AIDS Coordinator weNAC kuMt Darwin, Muzvare Veronica Nyamudoka, vanoti dunhu ravo rine nzvimbo dzakawanda (hot spots) dzinobuda nyaya dzekuparadzirwa kweutachiona hweHIV.

Vanoti naizvozvo zvirongwa zvakaita secheSister to Sister zvakakosha pakuti vanasikana vanova nehuchenjeri mukuzvichengetedza pautano hwavo uye kudzivirira nyaya dzekuenda pabonde vachiri vadiki.

“Chirongwa cheSister to Sister chatiri kuita takabatana neZAPSO ndiri kuona kubatsira kwacho nekuti vanasikana vazhinji vari kupinda mune zvepabonde vachiri vadiki nenyaya yekusaziva njodzi dzekuita izvi. Muchirongwa ichi tiri kunyanya kudzidzisa vanasikana nyaya dzine chekuita nekushambidzika pamiviri yavo, kusaita zvebonde vachiri vadiki, kusatora zvinodhaka uye kuita mabhindauko ekuti vakwanise kuzviraramira vasingakumbire mari, kunyanya kuvakomana vanenge vachida kuita zvepabonde navo kana varume vechikuru vanoda kutora mukana wekutambura kunenge kuchiita vanasikana ava,” vanodaro.

VaRaymond Katsamba, avo vanova programme officer kuZAPSO, vanoti sangano ravo riri kushanda zvakasimba kudzidzisa vanasikana mabhindauko ekuti vakwanise kuzviraramira.

Raymond Katsamba

“Donzvo guru ratiri kufamba naro pachirongwa ichi kuti vanasikana vasakasire kupinda mune zvepabonde vachiri vadiki. Kune nyaya dzakawanda dzinoitika kuvanasikana kana vasina zvinovakwanira muupenyu hwavo. Vamwe vanoroodzwa, vamwe vomitiswa vasati vapedza zvikoro uye vamwe vanosarudza kuenda kumabhawa vachitengesa miviri yavo zvinova zvinokanganisa upenyu hwemwanasikana.

“SeZAPSO, tiri kuti mwanasikana ngaawane ruzivo rwakakwana maererano nenyaya dzeutano, kudzivirira kutanga zvebonde vachiri vadiki uye kushambidzika panguva yekutevera kwavanoita,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Vanasikana vazhinji kumaruwa havawani mapads uye vamwe vanorovha kuchikoro kana nguva yavo yekutevera yasvika. Dambudziko iri tiri kuripedza nekutangisa mabhindauko evanasikana akaita sekupfuya huku, kuita mikando nekuvakurudzira kuti vaende kuchikoro vagokwanisa kuzviriritita.”

Mumwe wevanasikana ari kubatsirwa nechirongwa cheSister to Sister – Tanyaradzwa Chafurama – uyo ari kuita Fomu 2 paKandeya Secondary School, kuMt Darwin, anorumbidza NAC neZAPSO achiti:

“Chirongwa ichi chakandidzidzisa kuzvibata semwanasikana. Takadzidziswa zvakare nzira dzakanaka dzekutsvaga nadzo mari sekuita mabhindauko. Ndakabatsirwawo pakuti kare zvaindinetsa kuwana mapads asi pari zvino zvava kundiitira nyore nekuti tiri kuita mibatanidzwa nevamwe totenga mapads edu pamwedzi.”

Chirongwa cheSister to Sister chinobatsira zvikwata zvevanasikana vachiri kuenda kuchikoro nevasisaende vanobvira pamakore gumi kusvika pamakumi maviri nemana okuberekwa.

Chinobatsirawo madzimai echidiki mukuita mabhindauko anovaunzira pundutso.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey