‘Usanyebe, handiyo mari yaunotambira’

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
‘Usanyebe, handiyo  mari yaunotambira’

Kwayedza

Lizzy Mushoriwa
Mudzimai wekuendesa murume akamumitisa kudare redzimhosva achida mari yekuchengeta mwana wavo akadya marasha achipomera samusha ava kuti vainge vaburitsa payslip yemanyepo seumboo hwekuratidza mari yavanotambira pamwedzi. Margret Mapindu akadhonzera Milton Mashanda kuHarare Civil Court achida $150 pamwedzi yekuchengeta mwana wavo.

“Changamire, ndinoda kuti baba ava vandipe mari yekuchengeta mwana inota $150 pamwedzi. Mwana uyu anoda chikafu icho chinoita $63 uye mari yepatinogara $100 saka ngaandipe mari yandataura,” anodaro Mapindu.

Anoti Mashanda anohora $600 pamwedzi uye ane mukadzi nevamwe vana.

“Ane mukadzi nevamwe vana vana asi ini ndinongoda mari yandataura iyi nekuti uyu mwana ndewake, futi ini ndinoshanda uye ndinotambira $150 pamwedzi iyo isingakwane,” anodaro.

Mashanda anopikisana naMapindu achiti mari yaanoda yakawandisa.

“Ini mari yauri kutaura handiikwanise, yakawanda uye ndine vamwe vana vashanu avo vanodawo kuchengetwa neni. Ndingatokupa $70 pamwedzi nekuti wako mwana mudiki, kana achinge akura unouya uye iwe unoshanda,” anodaro achiburitsa gwaro rinoratidza mari yaanotambira.

Mapindu anobva amugamha achiti payslip iyi ndeyemanyepo.

“Gwaro iri handibvumirane naro, nderekunyepa. Haunyare here ipapa? Buritsa gwaro chairo chairo,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMapindu ndokuti anofanira kuenda kubasa kwaMashanda kunopihwa gwaro remari yaanotambira.

Share This:

Sponsored Links