Votamba nebadza

19 Dec, 2013 - 15:12 0 Views
Votamba nebadza

Kwayedza

VANA nevadzidzisi vepaChigango Primary School, kwaShe Chiswiti kuMt Darwin — vachibatsirwa nevabereki — vari kuita zvishamiso nekurima zvakasiyana izvo zviri kubatsira pakusimudzira budiriro yechikoro ichi.

Zviri kurimwa pachikoro ichi zvinosanganisira chibage, mapfunde nemhunga.
Sachigaro weSchool Development Committee (SDC), VaPeter Mudyiwa (37), vanoti chirongwa chekurima ichi vakachitanga makore gumi akadarika vachibatsirwa nevatungamiri venzvimbo iyi neHurumende senzira yekudzinga nzara.

“Mbeu tinopihwa neHurumende kubvira kune yemapfunde, yechibage, yemhunga, yemuriwo nezvimwewo. Mbeu yemapfunde tinombopihwawo nekambani yeDelta uyewo rimwe sangano rinotitsigira zvikuru iWorld Vision,” vakadaro VaMudyiwa.

Vakati chikoro chavo chine minda yakatandavara mahekita manomwe iyo inorimwa nevabereki nemombe dzavo pasina muripo, ichizodyarwa nevana vechikoro nevadzidzisi.

Imwe nhengo yeSDA pachikoro ichi, Mai Elizabeth Chipfihwa (33), vakati mwaka wakadarika vakakohwa mapfunde anokwana ma50kg gumi nechibage chakawanda.

“Zvimwe tinotengesa, zvimwewo tichibikira vana, chingava chibage chinyoro kana kugaisa hupfu tobikira vana sadza kana bota.
“Mari yatinenge tawana muzvirimwa izvi tinoishandisa pano pachikoro,” vakadaro Mai Chipfihwa.

Chikoro cheChigango Primary chine vana 900 vanobva Grade 1 kusvika 7.
Matambudziko anosanganikwa nawo nechikoro ichi pakurima anosanganisira kudyirwa zvirimwa nezvipfuyo.
“Mimwe minda yedu yakakomberedzwa asi mimwewo haina.

“Saka tine dambudziko rekudyirwa nemombe, mbudzi nenguruve dzinobva mumisha iri padyo izvo zvinodzosera basa redu shure. Chikumbiro chedu kuti vanogona vatibatsirewo newaya yekukomberedza minda yedu,” vakadaro Mai Mudyiwa.

Vakati zvakare vanodawo kubatsirwa nefetereza nemishonga yekuisa muzvirimwa.
“Tinoda kurima kudarika zvatiri kuita izvi, kana kugumisira chikoro chedu chave kuwana mibayiro yekurima muno mudunhu reMt Darwin neMashonaland Central yose,” vakadaro.

Vakakurudzira zvimwe zvikoro zvemudunhu ravo kutevedzerawo chirongwa ichi sezvo zviine pundutso pane kugara zvichipemha nguva nenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey