Utano hwakanaka ikodzero yemwana

21 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Utano hwakanaka ikodzero yemwana DR AGNES MAHOMVA

Kwayedza

DR AGNES MAHOMVA

DR AGNES MAHOMVA

MUNGUVA ino yatava kurarama, mugore ra2014, amai vese vakazvitakura vanofanirwa kuongororwa ropa kuti havana utachiona hweHIV, syphilis kana TB sezvo zvirwere izvi zvichigona kutapurirwa kumwana.
Dr Agnes Mahomva vanove country director kusangano rinoshanda navanaamai nevana reElisabeth Glaser Pediatric AIDS Foundation (EGPAF) vanoti vanonzwisisa kutya kuri mumadzimai kuwanikwa vaine utachiona hweHIV naizvozvo vanokurudzira kuti baba vaperekedza amai kuenda kunonyoresa nekuongororwa ropa zvakare.

“Zvinokosha kuti baba vaperekedze amai kunoongororwa ropa. Mimba ndeyevaviri naizvozvo zvinobuda muongororo zvinogamuchirika kana vanhu vari pamwe chete pane kuti amai vagotakura vega shoko rekuti vaonekwa vaine utachiona hweHIV. Dzimwe nguva vanotya kunotaura, vanotya kunzi ndivo honzeri kana kuti vakanzi nani vatariswe ropa. Nenhau iyoyo takaona zviri nyore kuti amai nababa vaongororwe ropa pamwe chete, vodzidziswa uye pashaye kuzotukana nezvabuda muongororo,” vakadaro Dr Mahomva.

Amai vane pamuviri vanokurudzirwa kunyoresa kukiriniki pamuviri paine mwedzi mitatu kana kuti isati yasvika.

“Kutya uku hakuitike kana kana amai nababa vachifamba pamwe chete uye vanodzidziswa nekudzikamiswa hana kana vachinge vawanikwa vaine utachiona. Kana vari amai chete vawanikwa vaine utachiona kana kuti baba zvakare vanodzidziswa zvizere masanganiro pabonde. Mwana anotapurira utachiona kubva kuna amai chete nekuti ndivo vanotakura pamuviri. Izvi hazvirevi kuti amai havatapurire kubva kuna baba, kwete, ngapanzwisisike ipapo. Mwana anowana utachiona kubva kuna amai naizvozvo tine chirongwa chinonzi PMTCT (Prevention from Mother to Child Transmission) pachirungu. Zvinoreva kudzivirira utachiona kubva kunamai kuenda kumwana,” vakadaro.

Dr Mahomva vanoti kwava nemishonga yemhando yepamusoro ine simba rekudzivirira mwana kutapurira utachiona hweHIV kubva kuna amai vake.

“Tava nemishonga inoshanda nesimba guru iri mitatu asi ichiwanikwa mupiritsi rimwe chete. Mushonga uyu unopiwa amai kubvira pavanenge vaonekwa kuti vane utachiona hweHIV. Vanoramba vachinwa kana vasununguka uye vanonwa kwehupenyu hwese. Kana baba vaine utachiona hweHIV vanobva vaiswawo pachirongwa chekuti utano hwavo humire zvakanaka. Vanonwawo kweupenyu hwese. MaARV haapedze utachiona asi kuti anorwiswa utachiona kusvikira hwadzika munhu asisarwarerware,” vakadaro.

Dr Mahomva vanoti hakuna mwana anofanirwa kuberekwa aine utachiona hweHIV mukore uno.

“Hakuna mwana anofanira kuberekwa aine utachiona hweHIV. Isu veEGPAF, tichishanda nebazi rezvehutano nekurerwa zvakanaka kwevana,  tiri kushandira mumakiriniki ese nezvipatara zvinokwana 1 750 uko kunoberekerwa vana. Nzira yekuti amai vapinde padziviriro iyi kunyoresa kusikero isu tochitakura kubva ipapo,” vakadaro Dr Mahomva.

Hakuna amai vanofara kana mwana ari ndonda naizvozvo ngationgororwei ropa kunyangwe tisina kuzvitakura.

Utano hautengwe naizvozvo akuruma nzeve ndewako.

Share This:

Sponsored Links