Utsanana, utano neupenyu!

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MUMADHOROBHA, vanhu vasati vave kugara kumasabhabha, kana kuti dzimba dzomumarukisheni dzichiri mumawoko emakanzuru, zvinhu zvaizivikanwa kuti utsanana hwaichengetedzwa zvakanyanya.

Kuda kana kusada kuchengetdza pamba pako: mumba zvese nechivanze, vaivepo vakanga vakapinzwa mabasa okuona kuti misha yavanhu yakashambidzika.

Izvi vaizviita kubudikidza neongororo yaiitwa nguva nenguva, ongororo inozivikanwa pachiRungu nokuti inspection, kana kuti sipakishoni, sokutaura kwaiita vazhinji.

Ongororo iyi yaiita kuti dzimba dzigare dzakashambidzika, uyewo vanhu vacho, nokuti kune dzimwe nzvimbo, kwaitoitwa makwikwi avanogona kushambidza misha yavo.

Hazvaigona kuti uti handina kutsvaira mumba, nokuisa floor polish nokuchenesa pamusana pokuti mari yacho yokutenga floor polish handina. Waiita chiseko chenzvimbo kana pamba pako pachiwanikwa nguva nenguva pasina kutsvinda.

Zvimwe zvatiri kutaura izvi zvichiri kuitwa nazvino mumakamba amapurisa, vanogona vachitowana mibairo.

Makamba acho anowanawo mibairo pachawo, kusanganisira nokuchengetedzwa kwaanoitwa navanhu.

Zvaibatsirawo kusimudzira utsanana nguva iyoyo ndezvokuti makanzuru aitakura marara nenguva. Kana iri nguva yokunaya, uswa hwaichekwa, kwete zvazviri nhasi uno.

Vagari vedzimba, mafekitari nemakanzuru vese vaiziva pokutanga nepokugumira panyaya yokuchenesa guta.

Zvikoro, makiriniki kana zvipatara zvaitoona kuti zvagara zvakatsvinda. Kuchengetedza utsanana uku kwaizoitawo kuti utano hwavanhu huchengeteke, zvichizopawo upenyu hwakanaka.

Asi nhasi uno zvave zvimwe: marara anoraswa pese pese, maziuswa asingachekwe, padzimba dzimwe pane huyanga kana hutsvina hwaunozvibvunza kuti panhu panobikwa chinodyiwa navapenyu here?

Iye zvino kunodaidzirwa zvirwere zvinokonzerwa nemvura nehuchapa, zvimwe zvirwere zvaendesa vanhu vakawanda kumakuva kunyanya vana, asi vanhu vanoita kunge mapofu asingaoni kuti pavari pane tsvina.

Usimbe here hunoita kuti vanhu vade kugara mutsvina zvakadaro, kana kuti hwatove hurema hunoda kuti mainspection aiitiswa panguva yamaBhunu, adzoke zvakare?

Zvino zvingaitewo here kuti zviite kunge vanhu vanoda kugona kuita zvinhu kana vanzi vaite nemunhu asiri weganda ravo?

Endaiwo zvakare mumahofisi akawanda-wanda, nyika yese. Ngoma ndiyo, ndiyo yohutsvina. Unozvibunza kuti ipapa pane tsvina yakadai, chii chisvinu chingabude chingasimudzire nyika? Vanhu havasi kuona tsvina iyi here, kana kuti zvatopinda muropa kugarisana namarara netsvina?

Kana tichida kuziva kuti huyanga huri pakati pavanhu, ngatimboona kukwazisana kuri kuita vanhu mazuva ano. Vamwe kunyage vasiri vanyarikani, vave kungoomberana kana kurovana zvibhakera, uri mucherechedzo wokutokwazisana kwakazara.

Ndakazobvunza kuti sei vanhu vasisade kuitana chishanu, mumwe akati, dambudziko ravepo nderokuti kune vanhu vasingagezi mawoko mushure mokushandisa zvimbuzi, zvinove zvine njodzi yokutapurirana zvirwere.

Tiripo pazvimbuzi ipapa, pane nyaya huru huru inenge yokugona kuyambuka mugwagwa unofamba motokari dzakawanda. Vamwe mvura iripo, havatombozvigona zvokuflusher tsvina yavanenge vaita.

Vanongoti achatevera, anongozozvionerawo. Vachibva muchimbuzi, unovaona vachizvipena-pena, asi chati geza mawoko, chikati uchandiwana kupi.

Unoona munhu akatsvinda-tsvinda achibva muchimbuzi asina kuflusher tsvina dzake, uyewo asina kugeza mawoko, asi ongoona kunge pasina chakaipa. Ndosaka vamwe vave kuramba kuitwa chishanu, nokuti mawoko mamwe anenge akatakurana neutachiona kana rufu. Ko iko kushandisa zvimbuzi sei kuchinge chinhu chinonetsa zvakadaro zvokuti unopinda muzvimbuzi makanamirwa-namirwa mapepa okuyambira vanhu kuti vashandise chimbuzi, vosiya chakachena? Vamwe vanoti yambiro iyi yakanyanya muzvimbuzi zvinoshandiswa namadzimai, pangave pamabasa kana kumakereke. Hounoi muymwe muenzaniso wandakapihwa:

STOP!!!

Have you washed your hands?

HATIDI HUCHAPA MUNO PLEASE. WE SPEND 8-12HRS TIRI PANO, SO PLEASE HUTSVINA KWETE!

Kunenge kutukana, asi chinangwa ndechokuti vanhu vese vararame upenyu hune utano, zvinove zvinochengeta homwe yemari yeHurumende muzvipatara.

Share This:

Sponsored Links