Uncategorized

‘Uyu akadyiswa, izungairwa, fuza’

02 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
‘Uyu akadyiswa, izungairwa, fuza’

Kwayedza

Kingstone Mapupu

NYAYA yemurume wekuMbare, muHarare – wekunyeperwa nemudzimai wake kwechipo chegore rose kuti mwana wavo mucheche mukomana asi iye ari musikana – yomutsa mitauro pakati peveruzhinji apo vamwe vanoti murume uyu idununu chairo kana kuti akadyiswa mupfuhwira.

Passmore Muteve (27) wepanhamba 21C/26th Road ‘Joburg Lines (MaJubheki), akanyeperwa nemudzimai wake – Ayanda Tapera (26) – kuti mwana waakasununguka kuchipatara cheHarare Central Hospital mukomana asi iye ari musikana.

Passmore Muteve

Izvi zvakaitika kwemwedzi gumi murume uyu ari “murima”.

Mudzimai uyu anoti akanyepera murume wake senzira yekuchengetedza imba yake sezvo ainge audzwa kuti anofanirwa kubara mwana mukomana “kuti nzinza rikure”.

Murume uyu anonzi akavimbisa mukadzi wake gupuro rekumuramba kana akangobara mwana musikana.

Muteve akatosvika pakutumidza mwana musikana uyu zita rake rekuti Passmore (Junior) nekufara achifunga kuti mwana mukomana iye ari “chibhebhi”.

Akazogurwa kunorira apo zvakazobuda kuti mwana musikana.

Votaura pamusoro penyaya iyi, veruzhinji havasi kunzwira murume uyu tsitsi vachiti ndiye akazviparira oga nemhaka yekusarudza vana.

Tinashe Jongwe (24) wekuWaterfalls, muHarare, anoti murume uyu idununu rekupedzisira.

Tinashe Jongwe

“Baba ava vakadyiswa, shuwa ungaite gore usina kumbotarisa mwana wako? Kana kupusa kwacho, murume uyu ngaakwane!” anodaro.

VaDereck Gidi (38) vekuEpworth vanoti Muteve haafanirwe kusarudza vana achiti anoda mwana mukomana chete.

“Murume uyu ndiye akakonzera mudzimai kuzoita hutsotsi uhwu. Asi amai ava vakazonyanya zvavo nekuti hapana paizovanzika mwana uyu vachiti mukomana kweupenyu hwose, kupererwa kwakaita amai ava nekuda imba yavo,” vanodaro.

VaGidi vanoti mwana mwana uye hazvina mhosva kuti musikana kana kuti mukomana sezvo vana zviri zvipo zvinobva kunaMwari.

VaTito Nyamweda (42) vekuGlen View 8, muHarare, vanoti Tapera akakanganisa nekunyepera murume wake uye vanotiwo Muteve irema remurume.

Tito Nyamweda

“Apa hapana zvababa, zvinoreva kuti mudzimai anongoita zvaanoda pasina anomutsiura? Kana kuitirwa chipfambi mumba anoitirwa. Amai ava vakatopima murume wavo,” vanodaro.

VaTatenda Nhekedza (29) vekwaChoga, kuMhondoro, vanotiwo Muteve anogona kunge akashandisirwa mupfuhwira nemudzimai wake.

“Baba ava ndevezita chete mumba nekuti zvinoreva kuti vaisambova nenguva nemwana wavo. Asi mudzimai uyu akazonyanyawo manyepo acho. Zvino vachavimbana here kana zvadai?” anodaro.

Mercury Chanetsa Manhari (37) wekuZvishavane anoshorawo Tapera achiti zvaakaita zvekunyepera murume wake kuti mwana mukomana zvinoshoresa madzimai.

Mercury Chanetsa Manhari

“Amai ava kunyepa kwavo vakazokunyanya, dai vakanopotera kuhama dzemurume nenyaya iyi pane kunyepa zvakadaro. Zvingani zvavanonyepa mumba umu? Vakazozviwanza,” anodaro Chanetsa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey