Uyu akafa anwa muteuro

0

Michael Magoronga ari kuKWEKWE

MUPOROFITA wekuKwekwe akasungwa nemapurisa mushure mukunge anwisa mumwe mukadzi muteuro waive wakasanganiswa muto wemaremani, vhiniga, mafuta ekubikisa nemunyu zvikaita kuti afe.

Evelyn Madhara (28) wepanhamba 16128 Mbizo Section akatomiswa pamberi pemutongi wedare reKwekwe Magistrate Court, Mai Rosemary Dube, svondo rapera akatarisana nemhosva yekukonzera rufu rwemunhu.

Beatrice Masundire anonzi akafa mushure mekunwa muteuro waaive apihwa naMadhara.

Madhara ari kutongwa ari muchizarira uye anotarisirwa kudzoka mudare iri svondo rinouya.

Muchuchusi Michelle Daraja anoti nemusi wa21 Nyamavhuvhu, Masundire akaenda kumba kwaMadhara achitsvaga rubatsiro apo mudumbu make mairwadza.

Madhara anonzi akapa Masundire muteuro waive wakasanganiswa muto wemaremani, vhiniga, mafuta ekubikisa nemunyu kuti anwe.

Paakanwa muteuro uyu, mushakabvu anonzi akatanga kurutsa nekuita tsvina yemanyoka yaive mvura-mvura.

Masundire akaendeswa kuchipatara cheKwekwe District Hospital uko akasvika achinzi akange atofa kare.

Mune imwe nyaya isingadyidzane neiyi, murume ane makore 76 okuberekwa akamiswa pamberi pemutongi Dube achipomerwa kutsotsa mumwe mushandi wemuchitoro apo anonzi akamunyepera kuti aive mushandi wekanzuru yeKwekwe ndokunyangarika asina kubhadhara girosari raaive atora.

Stephan Mangena anogara kuZengeza 2, kuChitungwiza, ari kupomerwa kutsotsa mushandi wemuchitoro chiri munzvimbo yeKwekwe Long Distance Bus Terminus girosari rinokosha $240 uye ari kutongwa ari muchizarira.

Share.

About Author