Uyu ndiwo mutambo wedu: zpc

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Uyu ndiwo mutambo wedu: zpc

Kwayedza

KUNOTSVA demo kuchisara mupinyi svondo musi weMugovera kuNational Sports Stadium apo Dynamos FC neZPC Kariba zviri kusangana mumutambo weCastle Lager Premiership.

Zvikwata zviviri izvi zvave pachena kuti pakati pazvo ndipo pachabuda shasha yegore rino sezvo zviri kufemerana mugotsi mukurwira mukombe weligi.

Dynamos FC, iyo inorairidzwa naCallisto Pasuwa, iri kuda kuchengetedza mukombe uyu uye ndiyo iri pamusoro iine zvibodzwa 54 ichiteverwa neZPC Kariba iyo yayakasiya nechibodzwa chimwe chete.

Pazvakasangana pekutanga, ZPC yakaita zvinorova ndokukunda DeMbare 1-0 apo Dynamos yaive pamusha payo asi svondo rino vatsigiri venhabvu vachenge vakatarisa kuda kuona kuti inokwanisa kuzvidzokorodza zvekare here.

Murairidzi weZPC Kariba, Saul Chaminuka, svondo rino akati uyu ndiwo mutambo wavo mukuru wemwaka uno uchatambwa nechikwata chake uyo wavange vakamirira nguva yese iyi.

Anoti kana vakakwanisa kuhwina svondo rino zvinenge zvavarerukira sezvo chikwata chake chichifanirwa kuzosangana neCAPS United mumutambo wavo wekupedzisira.

DeMbare, anodaro Chaminuka, kana ikakwanisa kuhwina svondo rino ndiyo ichaenda nemukombe asi chikwata chake chicharwa semvumba.

“Apa patasvika panoda hushing nekuti ndipo pachaonekwa shasha dzegore rino.

“Isu tiri kuda kuhwina mutambo uyu zvakanyanya nekuti mutambo wekupedzisira wedu neCAPS United wakakoshawo zvikuru tinotofanirwa kuuhwina zvekare.

“DeMbare hatisi kuzoisiya ichihwina svondo rino ticharwa nayo kusvika kwekupedzisira nekuti ligi tiri kutoridawo zvakasimba asi chokwdi ndechekuti pane nyaya.

“Chandinoziva ndechekuti DeMbare hayo kana ikahwina svondo rino inenge yahwina ligi regore saka hatifanirwe kuisiya ichihwina,” akadaro Chaminuka.

Zvakadaro, Pasuwa anotiwo uyu ndiwo mumwe wemitambo yavo mikuru mwaka uno.

“Uyu ndiwo mumwe wemitambo yedu mikuru uye wakaoma mwaka uno uchatitaridza kuti tichapedza mwaka takamira papi saka tiri kuukoshesa,” akadaro Pasuwa.

“Vatambi vanoziva mamiriro akaita zvinhu nekudaro vari kushanda nesimba kuti vahwine mutambo uyu.”

Mune mimwe mitambo iriko svondo rino, CAPS United, iyo yange ichirwirawo mukombe uyu, ichasangana neHarare City.

Harare City, iyo iri kurwira kuti irambe iri muligi, yakatamba nhabvu inodakadza gore radarika asi mwaka uno zvinhu zvange zvisiri kuifambira zvakanaka uye kuti irambe iri muligi inofanirwa kuhwina mitambo yayo yese yasara.

Highlanders ‘Bosso’ yave kurwira kuti ipinde muTop 4 gore rino kuti igotambe muMbada Diamonds Cup uye ichasangana neShabanie Mine mumutambo uchatambiwa kuMaglas Stadium kuZvishavane.

Bosso zvinhu hazvina kuzoifambira zvakanaka kubva apo payakadzinga murairidzi wayo Kelvin Kaindu basa izvo zvakaiona ichirakashwa mitambo mina yakatevedzana.

Chikwata ichi chiri kutofanirwa kusunga dzisimbe mumitambo yacho yasara kana ichida kuwana mukana wekuzotamba mumutambo weMbada Diamonds Cup.

Mitambo: Mugovera

Kariba vs Dynamos

Chicken Inn vs Buffaloes

Svondo

CAPS United vs Harare City Shabanie Mine vs Highlanders

Bantu Rovers vs How Mine

Hwange vs Platinum

Chiredzi vs Triangle United Chapungu United vs Black Rhinos

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>