‘Vadzidzi 100 000 havana pekugara’…Tiri kuvaka kumayunivhesiti: Murwira

20 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
‘Vadzidzi 100 000 havana pekugara’…Tiri kuvaka kumayunivhesiti: Murwira Prof Murwira

Kwayedza

Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti iri kutora matanho akasimba mukuedza kugadzirisa dambudziko rekushaya pekugara iro rakatarisana nevadzidzi vanodarika 100 000 vekumayunivhesiti nemakoreji akasiyana munyika. Izvo zvinonzi zviri kuvakanganisa kufunda zvakanaka kwevadzidzi.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Professor Amon Murwira, mudare reSenate svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMasvingo mudare iri, Senator Fairirai Ethel Mabugu.

Sen Mabugu vaida kuziva matanho ari kutorwa neHurumende nechinangwa chekupedza dambudziko rakatarisana nevadzidzi vakawanda rekushaya pekugara kumayunivhesiti nemakoreji.

“Mubvunzo wangu unoenda kugurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina. Muri kuzviziva here kuti kune kushomeka kwepekugara kwevadzidzi kumayunivhesiti? Kana muchizviziva, ndeapi matanho amuri kutora ekupedza dambudziko iri?” vanobvunza Sen Mabugu.

Prof Murwira vanoti Hurumende iri kuziva dambudziko rakatarisana nevadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji rekushaya pekugara.

“Hongu, ndiri kuzviziva. Tine vadzidzi 150 000 kumakoreji nemayunivhesiti, uye pakati pavo 15 000 kusvika 20 000 chete ndivo vane pekugara.

“Tine kushomeka kwepekugara kwevadzidzi vanodarika 100 000. Kubva patakatanga muna Zvita, takaita ongororo yekuona mamiriro ezvinhu,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoenderera mberi vachiti, “Izvi ndizvo zvakaita kuti titi chinangwa chedu chikuru kuti vadzidzi vawane pekugara pakanaka. Vadzidzi vedu ndivo remangwana redu, saka nekudaro takatanga chirongwa chekuvaka kuti vadzidze vachigara panzvimbo yakanaka,” vanodaro Prof Murwira.

Vanoti Hurumende yakatonyorerana zvibvumirano zvinosvika 22 (MoUs) nevatsigiri vemunyika muno nevekunze vanoda kuvaka zvakasiyana mumayunivhesiti nemakoreji.

“Pari zvino tiri mushishi yekufambisa magwaro ezvibvumirano izvi tichibatsirana nebazi rinoona nezvehomwe yenyika kuitira kuti basa rekuvaka iri richitanga nechimbi-chimbi.

“Tinoda kuvaka dzimba dzepamusoro-soro dzakanaka dzinogara vadzidzi. Ndokusaka ndiri kuti mushure meongororo yatakaita, chinangwa chedu chikuru ndechekuti vadzidzi vawane pekugara nepekufundira pakanaka,” vanodaro Prof Murwira.
Zvisinei, Prof Murwira vanoti pari zvino havakwanise kunge vachizivisa huwandu hwemari inotarisirwa kuzoshandiswa mukuvaka pekugara pevadzidzi.

“Zvandiri kutaura ndezvekuti tiri kuzviziva uye pane zvatiri kuita. Handikwanise kutaura huwandu hwemari yakavimbiswa kuti ndiyo ichaitiswa basa iri, kusvikira nguva yacho yakwana. Asi sezvamuri kuona, ndine idi nezvandiri kutaura kureva kuti pane zviri kuitika saka ndinoti rambai makatarira,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links