Vadzidzi veZim vatekeshere

14 Nov, 2014 - 00:11 0 Views

Kwayedza

SANGANO reCouncil for International Schools (CIS) rinoti Zimbabwe ndeimwe yenyika dziri muAfrica ine vadzidzi vakatekeshera pasi rose uko vari kuita zvidzidzo zvakasiyana.

CIS isangano rakazvipira kushanda pachena mukutsigira dzidzo yepamusoro pasi rose kuburikidza nekupanga mazano kuvadzidzi maringe nezvidzidzo zvavangaite.

Pari zvino sangano iri rashanyira nyika sere richitungamirirwa nevakuru vakabva kumayunivhesiti nemakoreji 21 ekunyika dzakaita seUnited States, Switzerland neSpain.

Svondo rapera vadzidzi vanodarika 630 vakabva kuzvikoro makumi matatu vakaenda kumisangano miviri yakaitwa nesangano iri muHarare.

“Tinosarudza nyika tichitarisa kusimukira kwakaita dzidzo kunyika inobva mudzidzi,” akadaro Laura Severin, uyo anove Associate Director weAdmissions and Financial Aid paYale-NUS College, kuSingapore.

Anoti vari kutarisira kuramba vachishanda nenyika dzine zvikoro zvepamusoro vachibatsirana nemamwe masangano anoona nezvedzidzo.

Chirongwa ichi chichaitwa zvakare kunyika dzinosanganisira Zambia, Uganda, South Africa, Ethiopia, Tanzania neGhana.

KuUnited States, huwandu hwevadzidzi vari kumakoreji nemayunivhesiti eko hunonzi hwakawedzera zvakanyanya mugore ra2013/14 apo 1 100 vavo vari zvizvarwa zveZimbabwe.

Aka kave kechigumi sangano reCIS richishanyira Zimbabwe uye rakatanga nekushanyira nyika yeRwanda.

Sangano iri rinoti rakaona zvekare kuti nyika ino iri pamberi munyaya dzemitambo pamwe nemabhindauko anoitwa muzvikoro akasiyana-siyana.

Zvakadaro, vadzidzi vanodarika 630 pamwe nevabereki vavo vakapinda misangano miviri yezvidzidzo yakaitwa nesangano iri svondo rapera paHarare International School, kuMount Pleasant nePrince Edward School, muHarare.

Kunyangwe zvazvo gungano iri rakaitwa panguva iyo vamwe vana vari mushishi kunyora bvunzo dzavo, vadzidzi vari kuita A- Level avo vakabva kuzvikoro zvakadai seMoleli High School iri kwaZvimba, vakakwanisa kudzidza zvakawanda.

Mumwe wevadzidzi vaive pachiitiko ichi, Nokutenda Chiyangwa, uyo ari kuita Lower Sixth paArundel School, akati akapinda mumusangano uyu nechinangwa chekuti agowana mukana wekusarudza yunivhesiti yaanozoda kunodzidza zvichienderana nezvidzidzo zveArts izvo anofarira.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey