Vahosi nanyachide zvaburana

07 Aug, 2014 - 16:08 0 Views

Kwayedza

Arnold Kaseke
VAHOSI nanyachide vakaendesana kumatare vachirwira murume apo mudzimai mudiki aiti ari kushungurudzwa zvisina mukare akamboona pamwe nekuvimbiswa rufu. Idah Mainato akazvuvira Sarudzai Gute kuHarare Civil Court achiti amushaisa rugare. Akati: “Ndava negore nemwedzi miviri ndichidanana nemurume waamai ava. Murume wavo akatondivimbisa kuti achandiroora uyezve hama dzangu nedzake dzinotozviziva. Akatoti achatonobvisa roora musi wa15 Chivabvu asi zvakatozomiswa mushure mekunge mukadzi uyu ave kundishungurudza asi tichiri kutodanana izvezvi.

Murume akatonditengera midziyo yemumba kare.
“Chandiunza kuno ndechekuti mukadzi uyu anogarondishungurudza nekundityisidzira nerufu.

“Anoti haambofa akamira kundishungurudza kusvika ndafa uyezve ndikatadza kufa achanditumira vanhu vanozondiuraya.
“ Anogarondituka achinditi muroyi. Kana akandishaya anotondichaira runhare kuti andituke.”

Gute haana kubvuma zvakanga zvataurwa naMainoti achiti ndiye anogara achimusvotesa pamusoro pamurume wake.
“Zvinoitawo here izvozvo? Handisati ndambomutyisidzira ini.

“Chandinokumbirawo mutongi ndechekuti atsvagirwe imba kumwe kuti asapokane neni,” akadaro.
Mutongi Barbara Masinire akati Gute asashungurudze Mainato uyezve acharamba achigara pamba pane murume wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey