Vaida naSimon vanochata

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

“RURIMI INYOKA” naGiles Kuimba (Bhuku idzva)

CHITSAUKO 1 (Nyaya yacho):

Tinotaurirwa zvokudanana kunoita Vaida naSimon sebhande nebhurugwa kusvika vazochata. Simon aine mumwe musikana ainzi Jane Chivako uyo akabva arambwa izvo zvakamushungurudza zvikuru. Iye musikana uyu, ainzwanana nemamwe madzimai maviri echiduku, Mai Mashumba naMai Zipfende avo vaive misha yemakuhwa uye vanotsanangurwa vachinzi, “Madzimai aya akanga ava hwenya kwese, setsukukuviri inoti ikarohwa rimwe divi, yofamba nerimwi”.

Nerimwe zuva Vaida anotora mbatya dzomurume wake, vamwene nedzababa vomurume, kwava kuenda kurwizi kunodzigeza. Anosvikapo ndokuwana madzimai maviri aya aripo, vanhu ndokukwazisana. Vanomubvunza kuti Simon achadzokera rinhiko kubasa kuHarare iye ndokuti anofunga kuti achambogara kwemwedzi ari kumusha sezvo vaRungu vake vakanga vakamupa zororo remwedzi semunhu ainge achata.

Madzimai aya anorova chikwee kuseka. Vaida ndokuvabvunza kuti vari kusekei ivo ndokuti vari kungoseka zvavo izvo zvisingafadzi Vaida. Mai Mashumba vanotsinhira kunakidza kwemuchato waVaida naSimon. Vaida ndokuti zvaive zvaSimon zvekuda zvinhu zvemari yakawanda ingadai yakashandiswa mukutenga zvimwe zvinhu zvomumba izvo zvinoita kuti Mai Mashumba vakanuke vachiti ava kutoda imba yake kare. Ngaambobikira vamwene vambozorora, imba anoidini iye ari mwana mudiki, chikuwe ndokubva chaputikazve.

Mai Zipfende vanoona Jane achisvika ndokuti aigoroorwa sei neuchapa hwake vachimushora. Vaida anobvunza kuti chii chavanoreva ndokuudzwa kuti haasiri iye akatanga naSimon nepamusaka peuchapa. Vari kumuyambira kuti achenjere kumusha ikoko.

Vanozomubvunza kuti vangaenda vose panguva iyi nekuti Simon ainge asati awana imba yomuchato.

Madzimai aya vanotswinyana maziso ndokubva vaoneka vachienda nezvirongo zvavo kutsime kunochera mvura yekumba. Vanosvika patsime panguva imwe chete naJane ndokukwazisana.

Mai Zipfende vanotaura nezvemuchato vachida kusvosva kuti vaone kuti Jane anofungei nezvemuchato waSimon naVida. Jane ndokuti angakwazisirei Vaida waanoziva nakare.

Vanomuti asasweroita mhosva nemunhu akaroorwa zvake, varume vakawanda munyika. Jane anobvunza kuti ari kuchemera murume ndiani. Mai Mashumba ndokuti zvinoonekwa kuti Jane akarwadziwa kwazvo apo akarambwa naSimon. Anogona kuwana mumwe murume anopfuura Simon, ngaaende Harare kwakati chakata varume vanongokumba zvose ndokubva vadoma ambuya vaSara avo vakaroorwa kwaMutoko nemukomana chaiye.

Jane anoratidza kusafadzwa nenyaya yekuti mbuya varoorwa, muzukuru wavo anotii kumukomana iyeyu. Kana zvadai acharayira mumwe ndiani chembere dzichiita mapitse mudhorobha nemhandara kutsvaga vakomana? Jane anoti baba vake havangambomubvumidzi kuenda Harare.

Mai Zipfende vanozoti zvinosvotesa kuona mukomana wawanga uchida achichata nemumwe musikana. Vanoshoropodza Vaida vachiti Jane ngaangonyarara chete, achatsvagawo anokunda Simon ndokurova chikuwe vachitaura nezvesipo yavaratidzwa naVaida isingatani kuchenesa mbatya vachiti vanaVaida vava varunguka.

Pavaiseka Vaida aizvinzwa achigeza mbatya dzake achishama kuti vari kusekei omborwadziwa nekuti Jane akambenge ari musikana waSimon asi anozvinyaradza.

 

Enderero mberi svondo rinouya.

Share This:

Sponsored Links