Uncategorized

Vakabhutsurwa muzanu-pf

24 Nov, 2017 - 00:11 0 Views
Vakabhutsurwa muzanu-pf

Kwayedza

Tandayi Motsi —
ZANU-PF Central Committee nemusi weSvondo wadarika yakadzinga vamwe vakuru vebato iri zvichitevera kurasa kwavange vaita gwaro remusangano nekuve nhunzvatunzva pamwe nekukonzeresa nyonga-nyonga – mubato zvose nemunyika.

Vakadzingwa vanosanganisira Mai Grace Mugabe avo vanova mudzimai wevaimbove mutungamiriri wenyika, Cde Robert Mugabe, aive mutevedzeri wemutungamiriri wenyika Phekezela Mphoko, Ignatius Chombo, Professor Jonathan Moyo, Saviour Kasukuwere, Patrick Zhuwao naMandi Chimene.

Vamwe “vakabhutsurwa” kubva mubato iri ndiKudzanai Chipanga, Makhosini Hlongwane, Walter Mzembi, Paul Chimedza naEunice Sandi Moyo. Vose vakadzingwa vanonzi vainge vari vakuru-vakuru vechikwata chinozivikanwa nekuti G40, icho change chokonzera kusagadzikana nekurasika kwegwara mubato riri kutonga reZanu-PF.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey