Uncategorized

Vakadzi vanouya vari musvo: Muporofita

25 May, 2018 - 00:05 0 Views
Vakadzi vanouya vari musvo: Muporofita Madzibaba Prangadai

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUPOROFITA weJohane Masowe yeNguwo Tsvuku uyo anogara papurazi reChigomo, kuMt Hampden, anoti aoneswa nhamo nevaroyi — vakawanda vacho vakadzi — avo vanoenda kumba kwake husiku vasina kupfeka.

Passmore Chinovava (32) — uyo anozviti Madzibaba Prangadai uye kumusha achibva kuHoya, kuMuzarabani — anoti akwanisa masvondo matatu achiona manenji aya.

Anoti minana inoitika husiku iyi yakatanga paakabva kuMusengezi, kuMuzarabani, uko akanga anoshandira imwe mhuri.

“Ndiri kushanyirwa nevanhu, kana kuti varoyi vasina kupfeka, madzimai mana nevarume vatatu – vose vechikuru. Vanosvikomira pamusiwo wemba yangu votanga kuridza miridzo nemitsonyo izvo vanoita panguva imwe chete.

“Zvakatanga ndichangobva kuMusengezi kunoshandira imwe mhuri,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Ndakazivisa vemhuri iyi kuti pane vanhu, vakawanda vacho vanhukadzi, avo vari kuuya kwandiri vasina kupfeka, tikawirirana kuti ini ndidzokere ikoko.”

Madzibaba Prangadai anoti panouya vanhu ava, wechirume ndiye anotanga kutaura achiti vanoda kupedzerana naye.

“Vamwe vanozopindira vachitaura mashoko akasiyana.

‘‘Vanotenderedza muti uyu vakatarisa mativi ose uye vakafukatira muti, vachiti madzimai kumabvirazuva varume kumadokero uye vari musvo,” anodaro.

Vanhu vasinganzwisisike ava vanonzi vanonyanya kuuya pakati pehusiku.

Share This:

Sponsored Links