Vakadzi vaviri vane makuhwa

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 1 – (Ongororo):

Sezvambotaurwa mupfupikiso yenyaya yacho, Mai Mashumba naMai Zipfende vanoda kuita sevanonatsira munhu wose, izvo zvinonzi, “Madzimai maviri aya akanga ava hunyu kwese, setsukukuviri inoti ikarohwa rimwe divi, yofamba nerimwe.” (6) Tinoona kuti Jane asipo, vanomunyomba vachiti akarambwa nepamusaka peuchapa hwake, tozonzwa vave kunyomba Vida asipo kuna Jane vachiti Vida aivhaira achivaratidza sipo yainge isingatani kuchenesa hembe, ainge oita semurungu imba yaVida vachaiona ikaita chin’ai uye Jane aigona kuwana mumwe mukomana anokunda Simon.

Maererano netsika nemaitiro evanhu, tinodzidza zvakare kuti, “Vida aiva nomwoyo” (5) tozonzwazve kuti mhuri yaaibva yainge “isingazivi shanje noruvengo” (5).

Tozonzwawo kuti Simon ainge “asati oziva chainzi shanje kana ruvengo” (5).

Mamiriro akaita nyika anonyatsotsanangurwa nekudimikira kunoitwa papeji 5.

Zvinonzi nyika “ine michero inonaka nemhuka dzinodyiwa, ina makarakara, namago, nenyoka nezvikara” izvo zvisinganakidzi uyewo zvichivava kana kukuvadza. Zvinhu izvi ndizvo “zvakadonhedza (Simon) mudenga rechinomwe rorufaro raakanga ari, zvikamupanhira pasi zvakare, akabva azara ivhu” (5).

Mai Mashumba vari kukuzvirira kuti Jane ashandise runako rwake kuti agone kukwezva mukomana asi Jane ndipo apo ari kutambisa runako urwu. Tinovanzwa vachiti, “Mapudzi anowiri kusina hari chokwadi” (8).

Tinosangana nemusambo uya unoshandiswa nevanyori apo munyori wacho chaiye ndiye anenge ari kutaura pfungwa dzake.

Izvi tinozviona apo munyori anoti, “Imo mudhorobha muna vanhu vakarurama kwazvo, vanhukadzi nevanhurume. Mune vamwe vasikana vakatsiga vanoroorwa zvakanaka. Mune vamwe vanhukadzi vazhinji vagere zvakanaka mudzimba dzavo navarume wavo.

Chinoipa ndechauri kuvinga kudhorobha, kuzotsvaga kuchena, nokuda kusvotese uya akakuramba. Ruvengo nokutsiva ibanga rinobaya kwese, asi kazhinji rinobaya iwe nyakutsiva.” (9)

Chokwadi munyori abva ataura nhunha dzake pamusoro pevanhu vane tsika yakadai.

(Enderero mberi zvondo rinouya.)

 

Share This:

Sponsored Links