Vakadzi voburana pabarika

11 May, 2018 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Janet Chari
MUDZIMAI wechipiri pabarika anoti ari kushungurudzwa nekurohwa nemukadzi wechitatu izvo zvazomutuma kupotera kudare.

Hazvinei Mandekese akamhan’arira Elizabeth Dzviti kuHarare Civil Court achiti anomurova pamwe nekumutuka zvinyadzi pamberi pevana.

“Dzviti anoti kana akanetsana nemurume, anouya kumba kwangu kuzondituka zvinyadzi pamberi pevana nevavakidzani zvekuti handisisina chimiro,” anodaro Mandekese.

Anoenderera mberi achiti Dzviti ari kuda kumutorera nzvimbo yake kuEast View, muguta reHarare, achiti ndeyake nokuti imba yakazovakwa aroorwa.

“Mwedzi wapfuura akauya kumba kwangu kuzondirova achiti ndibve pamba iye awane pekugara asi haasiriye akatenga nzvimbo, akatowana ndavapo. Imba ndiyo yakazovakwa iye avapo,” anodaro.

Dzviti anobvuma kuti anoenda kumba kunogara Mandekese asi anoramba kuti anomushungurudza.

“Kubva imba iyi ichivakwa, ndini ndaienda kunogadzira pamba apa nekubikira vanhu vaiita basa saka ndinorwadziwa kuona Makendese aripo ini ndichishaya pekugara,” anodaro Dzviti.

Anoti Mandekese akamurova nesimbi mushure mekunge ashevedzwa nemurume wavo achida kumuona.

“Murume wangu ndiye akanga andishevedza kuti ndimuone, ndipo pandakazopondwa nesimbi namaiguru ndichibva ndanyararira ipapo ndikazomukira kuchipatara,” anodaro Dzviti.

Anoenderera mberi achiti dambudziko riripo nderekuti Mandekese haasi kuda kuti vagare vese pamba apa.

“Imba iyi ndakabatsira pakuvakwa kwayo asi maiguru havachade kuti tigare tese,” anodaro.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mandekese gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey