Vakakumba mibairo yeVaseline

07 Aug, 2014 - 14:08 0 Views
Vakakumba mibairo yeVaseline

Kwayedza

CHITOFU1

VASELINE Brand manager, Mukumbi Kyalusanza (kurudyi) achigashidza chitofu kuna Jason Mungazi, uyo akahwinha mubairo mukuru mumakwikwi eVaseline Winter Warmer Promotion, kuEpworth svondo radarika.


Sandy Musungata

AKANGE ari makuwerere kuOverspill, kuEpworth svondo rapera uko vagari veko vakakumba mibairo mumakwikwi eVaseline Winter Warmer Promotion. Mibairo iyi yaisanganisira chitofu chegas, generator, maayini, maketero nemafuta eVaseline, ayo aipihwa vanhu pachena. Brand manager weVaseline, Mukumbi Kyalusanza, akati sekambani, vanoda kutenda vatengi nekuramba vachivatsigira.

“Tiri kufara kuti muri kutitsigira nekutenga zvigadzirwa zvedu nguva nenguva. Saka tati tipe mibairo kune avo vane mhanza nekuti makatikoshera. Ukaona uchitsigirwa zvakadai unoita manyawi saka takati regai tiite mibairo yekuramwira,” akadaro Kyalusanza. “Tinogadzira zvinhu zvakawanda zvekuti makwikwi haasi kuVaseline chete, kune vasina kuwana mibairo mune mumwe mukana wekutenga mopinda mumakwikwi, hauzivi kune mhanza yako. Pamusoro pazvose, hazvirevi kuti vawana mibairo chete ndivo vatengi asi tinozviziva munotitsigira,” akadaro Kyalusanza.

Mubairo mukuru wechitofu chegas wakaenda kuna Jason Mungazi, uyo akashaya zvekuita nekufara.
“Ha-a, zvangu zvaita, maita basa nemubairo wamandipa. Kana kuchiroora zvava kuita nekuti mudzimai ava nepekubikira. Ndiri ndega stove yacho yakurisa,” akadaro Mungazi.

Share This:

Sponsored Links