Vakakweshana mumakwikwi ekutaura

17 Jul, 2014 - 17:07 0 Views

Kwayedza

VANA vezvikoro zvinodarika 20 zvekuChitungwiza svondo rapera vakakweshana mumakwikwi ekutaura paruzhinji (public speaking), ayo aikotsverwa nesangano reYouth Advocates Zimbabwe.
Chiitiko ichi chaiva nedingindira rinoti, “Vechidiki tine hanya”, uye zuva iri rakaona vana vechikoro vachiratidza zvipo zvavo zvekutaura paruzhinji pamusoro penyaya dzakasiyana dzakaita sekuchecheudzwa, kurwisa denda reHIV neAIDS pamwe nedzidziso izere maererano nekudzivirira chirwere ichi.

Kumakwikwi evakomana, Luke Chiuriri wepaZengeza 1 ndiye akatora mubairo wekutanga achiteverwa naBrendon Munashe Chiri wepaNyatsime College uye wechitatu wakaenda kuna Blessing Tsiga wepaSeke 3 High. Kuvasikana, Yvette Vongai Mutyambidzi wepaManyame Park High ndiye akakunda achiteverwa naMariya Zengeya wepaExcel College kuchiti Vanessa Mushonga wepaZengeza 1 High School akaita wechitatu.

Achitaura nezvemakwikwi aya, Pride Shonhiwa, uyo anova Advocacy and Communications Officer kusangano reYouth Advocates Zimbabwe, akati vechidiki vanotarisirwa kutungamirira kurwisa chirwere cheHIV naAIDS.

Anoti sangano ravo rakanangana nekudzidzisa zvakazara maererano nechirwere ichi muzvikoro nekune vechidiki.

Shonhiwa anoti varipo zvakare pakuona kuti vana vechikoro vawaniswa dzidzo maererano neshanduko dzinoitika, mungava mumiviri yavo apo vanenge vachiyaruka.

“Basa redu kupakura dzidzo yakaringana maererano neshanduko inoitika mune vechidiki kana vachisamhuka,” akadaro Shonhiwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>