Vakambotambira Caps votaura

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Vakambotambira Caps votaura

Kwayedza

Sp1

Joseph Takaringofa

Abel Ndooka
VAMWE vevatambi vakambotambira CAPS United vakaita mukurumbira vari kuti vanodawo kupihwa mukana wekurairidza chikwata ichi pane kuti chingotora varairidzi kubva kune vaimbova vatambi vezvimwe zvikwata. Nguva pfupi yadarika, vamwe vatsigiri veKepe-kepe, sezita remadunhurirwa reCAPS United vaigunun’una zvikuru pamusoro pemurairidzi wechikwata ichi, Taurai Mangwiro, zvekusvika pakumutema nematombo uye nekumutuka zvichitevera kukundwa kwakaita chikwata chake neDynamos.

Vamwe vane pfungwa dzekuti Mangwiro akatengesa mutambo wechikwata ichi kuDynamos sezvo akamboitambira uye ndiko kwaakarerwa.

Vatsigiri veKepe-kepe vane pfungwa dzekuti kana chikwata ichi chichida kubudirira chinofanirwa kugadza pachigaro chinopisa murairidzi akambochitambira kare.

Aimbove murairidzi weMutare City uye akambotambira CAPS United kare, Joseph Takaringofa uyo vazhinji vanomuziva saShabba, akati chikwata ichi chinofanirwa kurangarira vana vacho vachakarera nekuvapa basa rekurairidza.

Muhurukuro naShabba svondo rino akati nyaya iyi yakambokurukurwa kare nevamwe vavakambotamba navo nhabvu asi hapana zvavanokwanisa kuita pamusoro pazvo.

Anoti CAPS United yakasiyana neDynamos FC uye neHighlanders FC nekuti zvikwata zviviri izvi

ndezvemucommunity uye zvinorangarira vakambozvitambira kare izvo zvakasiyana neKepe-kepe iyo yaanoti chikwata chemuridzi.

CAPS United ndeyaTwine Phiri uye ndiye ane simba rekugadza murairidzi wechikwata chake kana kumudzinga basa kana achiona kuti haasi kugona basa.

“Isu sevana vakarerwa muCAPS United tinodawo mukana wekumborairidza chikwata chedu ichi asi zvinonetsa nekuti chikwata chemuridzi ichi.

“Sachigaro wacho ndiye ane simba rekuita zvese saka anogadza munhu waanoda kuti arairidze chikwata chake uyo waanenge achiona kuti akakodzera.

“Isu hatikwanise hedu kumumhanyira pamberi nekuti iye ndiye anoziva zvaanoda kuita nechikwata chake. Asi chikumbiro chedu ndechekuti ngavatirangarirewo uye vatisimudzirewo isu sezvo tiri vana vemuCAPS United,” akadaro Shabba.

Zvakadaro, Shabba anoti anotsigira basa riri kuitwa naMangwiro kuchikwata ichi uye anofunga kuti mumwe wevarairidzi vari kuziva basa ravo vari muligi rePremier Soccer League.

“Ini ndinotsigira basa riri kuitwa naMangwiro kuKepe-kepe vatsigiri vechikwata ichi ngavamupe rutsigiro aite basa rake akasununguka.

“Anoziva basa rake saka vanhu ngavasamhanye kumushoropodza, hapana chikwata chisingakundwe,” akadaro Mangwiro.

Svondo radarika pamberi, CAPS United yakashora zvikuru vatsigiri vayo nemhirizhonga yavakakonzera vachida kurova Mangwiro apo chikwata chavo chakundwa neDeMbare.

“Isu chatine basa nacho kuona kuti murairidzi ane mapepa akakwana here kwete zvinofungwa nevanhu. Taurai Mangwiro kondirakiti yake yatakamupa inotariswa nematambiro anenge achiita chikwata chake uye isu tiri kufara nebasa raari kuita.

“Zvemhirizhonga iri kuitwa nevatsigiri vedu isu hatizvitambire uye tinozvishora zvikuru,” akadaro Joyce Kapota uyo anoona zvekufambiswa kwemashoko kuchikwata ichi.

 

Share This:

Sponsored Links