Vakambotambira Dynamos vogunun’una . . . ‘Dynamos haizi Tuckshop’

13 Apr, 2018 - 00:04 0 Views
Vakambotambira Dynamos vogunun’una . . . ‘Dynamos haizi Tuckshop’ Masimba Dinyero

Kwayedza

Abel Ndooka
SHASHA dzakambonetsa dzichitambira Dynamos FC dzinoti dziri kushushikana zvikuru nezviri kuitika kuchikwata ichi izvo zvaita kuti chidzikire uye izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nematungamirirwo achiri kuitwa ayo akada kufanana nezvinoitwa kumaboozer kana kuti “kutungamira tuckshop”.

Kubva mumitambo mishanu yatambwa neDynamos mwaka uno, yangokwanisa kuwana zvibodzwa zviviri chete uye DeMbare chimwe chezvikwata zvakasenga log zviri pasi.

Kwayedza svondo rino yakaita hurukuro nevamwe vakambotambira Dynamos vanosanganisira Japhet “Shortcat” Mparutsa, Masimba Dinyero naDavid “Yogi” Mandigora avo vanopa mafungiro avo pamusoro pematambiro ari kuita chikwata ichi.

Dinyero, uyo anonyanya kuzivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti “Member-in-Charge”, anoti zviri kuitika kuDynamos hazvisi kufadza nekuti chikwata ichi chine zita guru chaizvo.

“Isu semalegends (shasha) tiri kunyara tichiona zviri kuitika nekuti hatizvitarisire kuDynamos.

“Shuwa kuita kunge muri chikwata chemaboozer? Hazvifadze chaizvo. Ngavagadzirise zvese zviri kunetsa uye vape vatambi mari dzavo kwete zvavari kutiitira nekuti zviri kusvibisa zita rechikwata chedu ichi zvakanyanya,” anodaro.

Anoti kupopota kuri kuita vatsigiri kuvatungamiri vechikwata ichi kunorakidza mamiriro ezvinhu asina kunaka uye zvinoda kugadziriswa nekuchimbidza.

“Regai vatsigiri vagopenga nezviri kuitika, musha unoda kugadziriswa uyu. Kutora chikwata mochitungamira kunge tuckshop? Aiwa hazvibude izvo, gadzirisai nyaya mupe vatambi mari dzavo dzakakwana munoona bhora rave kutsva. Vatambi vazhinji vave kuda kutambira Ngezi Platinum neFC Platinum nekuti vari kubhadharwa mari dzavo nenguva uye mari yacho yakawanda vachiraramawo hupenyu hunofadza kwete zviri kuitika kuDynamos,” anodaro Dinyero.

Shortcat – uyo ave kugara kunyika yeEngland – anoti nyaya dzehutungamiriri ndidzo dziri kukanganisa chikwata ichi nekuti vatungamiri vacho havasi kubata vatambi zvakanaka izvo zviri kuzovatuma kuti vasatambe nemoyo wese.

Japhet ‘Shortcat’ Mparutsa

“Chandinoziva kuti hapana asingade kutambira Dynamos nekuti chikwata chikuru chaizvo muZimbabwe panyaya dzenhabvu asi zviri kuitika zvinosuwisa zvikuru.

“Asi kana vasingabhadhare vatambi vavo munoti bhora racho rinotambika sei? Ivo vatambi vanenge vachiona vamwe vavo vekune zvimwe zvikwata zvakaita seCAPS UNITED, Ngezi Platinum neFC Platinum vachigara hupenyu hwakanaka vachifamba nemota ivo vasina chavainacho saka munoti zvinofadza here ivo vasingatambire?

“Ivo vatungamiri vechikwata ichi ndivo vari kungodya vega vachitadza kuchengetedza vatambi vavo zvakanaka,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti chikwata ichi hachingamboshaye mari yekubhadhara vatambi vacho nekuti ndicho chine rutsigiro rwakura muZimbabwe.

“Vatungamiri ndivo vari kuuraya chikwata ichi nekuti hazvingamboite kunzi vashaya mari nekuti vanogara vakazadza nhandare pese pavanotamba.

“Kuda kungodya vega chete vasingade kubhadhara vatambi vavo,” anodaro Short Cat.

Aimbove kaputeni weDeMbare uye akahwina mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra1980, Mandigora anoti zviri kuitika zvinowanikwa munhabvu uye zvichashanduka kana nhau dzemari idzo dziri kunetsa kuchikwata ichi dzikagadziriswa.

“Zviri kwese, zvinhu zvinoshanduka uye zvine nguva. Handingazive hangu zvakanyanya zviri kuitika asi zvichagadzirisika.

“Kana nhau dzemari dzikagadzirisika idzo dziri kunetsa kuchikwata ichi ndinoona zvichifamba zvakanaka. Chikwata chine zvikwereti chemari dzevatambi uye ngavazvigadzirise kuti basa rifambe,” anodaro Mandigora.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>