Uncategorized

Vakaramwirwa dhongi . . . ‘ndiro rava muroora wenyu’

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Vakaramwirwa dhongi . . . ‘ndiro rava muroora  wenyu’

Kwayedza

DHONGIKWASHE Chundu, kuHurungwe, kwakaitika mashura – kune nyaya iri mudare reko yemumwe mukomana ane makore 17 okuberekwa uyo akaramwirwa dhongi achinzi ndiro rava mukadzi wake mushure mekunge abatikidzwa achishinha naro.

Mukomana uyu (zita rake tinaro) ari muGrade 7 paChipfuko Primary School, uye anonzi akaita mashura aya masvondo matatu akadarika apo akazowanikwa.

Nyaya iyi yakasvitswa kwasabhuku veko, Mai Benadette Mangwiro (39). Mukomana uyu anonzi akabatikidzwa rungwanangwana apo aiva nedhongi iri pedyo neimba yekupisira fodya yeimwe mhuri yeko.

Mushure mezvo, dhongi iri rakabva ranoramwirwa kumba kwevabereki vemukomana uyu nevaridzi varo uko rave “kunzi muroora weko” zvisinei kuti riri kutiza richidzokera kuna vatenzi varo.

Dhongi rakanoramwiwa iri rine zamu uye rinodaidzwa kuti Mary.

Nyaya iyi yakatopinda mudare rasabhuku, mukomana uyu akabvuma mhosva yake achiti aisaziva kuti zvakanga zvafamba sei kuti asvike pakushereketa nemhuka iyi.

Sabhuku Mangwiro vakati ichi chishamiso chikuru, kuti mwana mudiki asvike pakushinha nedhongi.

“Nyaya iyi yakasvitswa kwandiri nevanhu vakanga vaona chishamiso ichi. Ndakazoshevedza mwana uyu nevabereki vake apo akabvuma kuti aiva aita mashiripiti aya asi haana kupa chikonzero chekuti aizviitire chii,” vakadaro Sabhuku Mangwiro.

Sabhuku wechikadzi uyu akazodarikidza nyaya iyi kwaShe Chundu kuti inopedziswa senyaya huru yaakati inokanganisa chivanhu mudunhu ravo zvichizoita kuti mvura itadze kunaya zvakanaka.

“Isu tichitarisa zera remwana sevanhu vechikuru, tinoti ane chakamugara. Zvinoda kuti vabereki vake vagadzirise nekumufambira. Sekuramwirwa kwavakaitwa dhongi iri nemuridzi waro, zvinoreva kuti vabereki vemwana uyu vachatotenga rimwe dhongi rekupa varidzi varo nemuripo pamusoro pezvakaitwa nemwana wavo uyewo nekuzoripa miripo mimwe ichatarwa nedare raShe Chundu,” vakadaro Sabhuku Mangwiro.

Pane fungidziro huru yekuti mukomana uyu anga ava nenguva achiita izvi sezvo dongi iri richinzi range rongogara richifurira kudivi uko mukomana uyu akazobatikidzwa. Pakashanyira Kwayedza uku svondo rapera, dhongi iri rakawanikwa riri panzvimbo iyi zvakare.

Baba vemukomana uyu, VaSmart Chisiya (65), vakabvuma kuti nyaya iyi yakaitika.

“Nyaya iyi yakatongwa nasabhuku vedu mwana akamboramba ndokuzobvuma. Ini handina kutaura naye, ndinotya kuti anogona kunwa mushonga akafa nekuti mumwe mukoma wake akambozviita,” vakadaro VaChisiya.

Vanoti havachakwanisa kufamba mudunhu ravanogara nekunyara kunzi “tezvara wedhongi” uyewo mudzimai wavo achinzi “vamwene vedhongi”.

“Handichagona kufamba muno, ndiri munhu anoremekedzwa zvikuru. Ndava nemakore anodarika gumi ndiri muno ndichibva kuMorgenster, kuMasvingo.

“Nyaya iyi yandisvibisa, dhongi riri kuramwiwa nevaridzi varo iri tichangoripa nezvichatarwa nedare kunyangwe raShe Chundu. Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye, ndofira yemwana here?” vakadaro.

Amai vemukomana uyu, Mai Loveness Chivhanga (50), avo vainge vazere nehasha vakati:

“Handina chekutaura nekuti pakaitika nyaya iyi ndaiva ndisipo. Kudare ndakaenda asi ndakangomirira kuti dare ritonge nyaya yaro.”

Amai ava vane vana vanomwe, mukomana uyu ari wechitanhatu uye anonzi adzokorodza kakawanda kuchikoro. Vamwe vezera rake vatove kuita Form 5.

Vabereki ava vanoti mukomana uyu ndiye mwana wavanoda zvikuru pane vamwe nekunyarara kwaakaita uyewo nekushanda kwaanoita pamusha.

Mhuri iyi inonamata chechi yeSt Abel Apostolic Church.

Muridzi wedhongi iri, VaLast Madaka (32), vanoti vakashamiswa zvikuru nezvakaitika.

“Dhongi iri handicharida, ndakaripa kuna (zita remukomana wekuramwirwa) kuti ariite mukadzi wake – baba naamai vake vawane muroora. Izvozvi rine zamu, handizive kuti ndiye here kana kuti kwete.

“Dhongi iri ndakaritenga rinova rechipiri mudanga mangu. Chokwadi ndingabope dhongi iri kuririmisa here? Imwe nguva zvakaitwa izvi ndezvemishonga, ndinoguma ndisisakohwe mumunda mangu,” vakadaro VaMadaka.

“Nyaya iyi yakaendeswa kumasvikiro nekwashe kuti igadziriswe saka izvozvi sabhuku wedu angomirira zvichataurwa,” vakadaro VaMadaka.

Mudzimai wavo, Mai Jane Dhliwayo Madaka (30), vanoti vangomirirawo kunzwa zvichabva kwashe.

Mukomana uyu akabvuma nyaya iyi pamberi pevatori venhau.

“Nyaya iyi ndakaiita kamwe chete asi handizive kuti zvakafamba sei, ndakazongoerekana ndave kuzviita. Imwe nguva mweya wakaipa,” akadaro achida kuchema.

Anoti ane vasikana vake vaviri vose vanogara munzvimbo iyi.

Munyori waSabhuku Mangwiro, VaIan Siampongo (34), vanoti mukomana uyu paakatongwa kwasabhuku akabvuma pasina kuvhundutsirwa.

VaTest Kachimanga (38) naVaHighfield Kameya, avo vanotonga nasabhuku uyu, vakatsinhirawo nyaya iyi.

Mumwe wevavakidzani vemukomana uyu, Sly Butterfly (21), akatsinhira chiitiko ichi ndokuti:

“Taitsvaga mbudzi nevamwe vangu apo takawanikidza mukomana uyu ndiinaTinotenda Ndudzo.”

Zvakadai, Ishe Chundu, VaAbel Mbasera (44), vanoti vanoda kumisa mhuri iyi mudare ravo nemukomana uyu voona chirango chinokodzerana nemhosva iyi.

“Nyaya iyi makunakuna chaiwo anotadzisa mvura kunaya. Nyaya iyi ndakaiendesa kusvikiro redu – Mubaiwa – uko tichanzwa kuti vachati kudii tozomupinza mudare,” vakadaro Ishe Chundu.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>