Vakasungirwa kuba mukombi

16 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Vakasungirwa kuba mukombi

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARUME vaviri vekuita mushandirapamwe wekuba vakafuratirwa nevadzimu vavo apo vakapihwa zvirango zvekupika jeri uye mumwe wacho akatutsirwa chirango nekuda kweimwe mhosva yaakambopara. Artwell Chirasha (29), uyo asina pekugara pakati tswasa, naResult Kadzinga (28) wepanhamba 3 Gomarara Zengeza 2, vakaba midziyo inokosha US$280 pakazowanikwa inokosha US$250 iri mumawoko mavo.

Mutongi Lazarus Murendo akapa Chirasha chirango chekugara mujeri kwemwedzi gumi uyowo Kadzinga ndokutemerwa yake mwedzi gumi, asi ndokuzopamhidzirwa mimwe mwedzi mipfumbamwe iyo yainge yakambosendekwa padivi pane imwe mhosva yaakambopara kare zvichireva kuti achapika jeri kwemwedzi 19 izere.

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nomusi wa29 Zvita gore rapera munguva dzemanheru, mumhan’ari Patrick Urayayi akapaka kombi yake pedyo nechitoro chake paSifra, kuZengeza 2, kuChitungwiza achibva aenda kunotaurira mudzimai wake kuti achivhara chitoro.

Mushure memaminitsi mashanu, mumwe murume anonzi Munyaradzi Mashasha anonzi akasvika pachitoro pavakange vari achivanyeurira kuti Chirasha akange azarura musuwo wekombi uye aiva mushishi kuba zvinhu zvaivemo.

Urayayi pamwe nevamwe veruzhinji vakaenda kukombi iyi vakasvikowana vasungwa vaviri ava vachirimo, vachitoba.
Pavakaona kuti vakange vakombwa nechaunga vakabva vaita chitsoka ndibatsire kutiza. Urayayi paakazodzokera kukombi yake akaona kuti nharembozha yake yerudzi rweSamsung Galaxy, chitambi chekutyaira nechitupa chake zvakange zvabiwa.

Mumhan’ari akaramba achishanda pamwe nemapurisa vachitsvaga vaviri ava kusvika vazobatikidza mushure meawa rimwe chete vari mushishi kunwa doro pane rimwe bhawa riri kuZengeza 2.
Vaviri ava vakabvuma mhosva dzavo pasina kukakama mudare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey