Uncategorized

Vakatambwa negevha muchechi

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Fortunate Gora ari kuCHINHOYI
MURUME wekuChinhoyi wekunyepera vamwe vanamati vechechi yeZion Christian Church kuti anogona kuvapinza basa uye ndokuzovatsotsa mari nenhare dzavo akaigochera pahutsi zvichitevera kutongerwa kwaakaitwa kugara mujeri kwemakore matanhatu nedare reChinhoyi Magistrate Court.Alfred Zhou (32) – uyo anogara panhamba 9929 Katanda Section, muChinhoyi – haana kuramba mhosva dzake dzose dziri nhanhatu apo akamira pamberi pemutongi wedare iri, Christine Nyandoro.

Mutongi Nyandoro akamutongera kugara mujeri gore rimwe chete pamhosva yoga yoga.

Zvisinei, akamubvisira makore matatu pachirango ichi paine chitsidzo chekuti anofanira kuripira chimwe chikamu chemari yezvinhu zvaakaba uye kuti haapare mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu anotevera.

Izvi zvinoreva kuti musungwa uyu achagara mujeri kwemakore matatu azere.

Muchuchusi Eugiene Moyo akataurira dare kuti nemusi wa3 Zvita, Zhou akaenda kusvondo yeZCC kuColdstream, kuChinhoyi achinyepedzera kuti aipindawo svondo iyoyo kuBindura .

Akazokumbira kutaura pamberi pevanamati vechechi iyi achibva apiwa mukana ndokutaura kuti aishanda kuChinese Company yaive kuBindura uyewo chinangwa chake chaive chokupinza vanhu vaanonamata navo mabasa.

Anonzi akati, “Kuti ukwanise kupinda basa iri unofanira kuenda kusurgery yaDr Gift Masocha wonoongororwa utano hwako.”

Muchuchisi Moyo anoti Zhou akakwanisa kuwana vanhu 15 vakamuteerera asi vashanu chete ndivo vakakwanisa kumupa $4 pamunhu iyo yaaiti imari yokubhadhara mafomu ekuzotorwa X-ray.

Musi uyu, akakwanisa kutora nhare yaItai Gwadara pamwe chete nemari.

Nhare idzi aidzitora achiti aifanira kutora munhu wose mufananidzo wepassport size photo nenharembozha yake.

Zuva rakatevera, anodaro muchuchisi Moyo, Zhou akashandisa nzira imwe chete kutsotsa Edwin Mambizvo, Kudzai Masvora,Tinotenda Zhou naPatricia Mukavi.

“Nhare dzaakaba dzinosanganisira ITEL S32 inoita $720, Samsung Galaxy JI Ace inokosha $200, Samsung SS5 inoita $300, Huawei inokosha $125, Huawei P8 Lite inoita $400. Zvinhu zvose zvaakaba kusanganisira nemari zvinokosha $1 765,” anodaro Muchuchisi Moyo.

Zhou zuva rimwe chete iri akatora zvakare mudungwe wevanhu vanosvika 15 ava ndokuenda navo kusurgery kwaDr Masocha uko akasvikonoti vatorwe maX-ray ndokunyepa kuti kambani yeChinese Company ndiyo yaizobhadhara.

Muchuchisi Moyo anoti Zhou paakaona kuti vanachiremba vakange vava mushishi yekutora maX-ray, akabva angonyangarika nenhare dzavanhu ava pamwe chete nemari yaaive atora.

Mari yaaifanira kubhadhara Dr Masocha yaive $1 050 uye yakasanganiswa neyezvimwe zvaakaba inosvika $2 815.

Gure iri rakazobuda pachena mushure mekunge Dr Masocha vamhan’ara nyaya iyi kumapurisa zvikaita kuti Zhou asungwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>