Uncategorized

Vakatanga vakumbira kumapurisa

13 Jun, 2014 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUTAURIRI wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanoti mapurisa akapa mvumo kumhuri yaida kunoburitsa hama yavo iyo yainzi yakatorwa nenjuzu murwizi rwaZambezi makore manomwe akadarika. Vanoti Ishe Chundu nehama dzemunhu anonzi akatorwa nenjuzu uyu vakasvika kuvakuru vemapurisa vakatenderwa kunoita chivanhu chavo.

“Nyaya iyi yakasvika kwatiri tikainzwa vemhuri iyi vakaenda kurwizi rwaZambezi vakarara vachitamba usiku hwese vachiita bira. Svikiro raivapo raitaurira vanhu ava kuti murume akanyn’ura mumvura uyu mutumbi wake ukashaika aizobuda ari mupenyu,” vakadaro Insp Mabgweazara.

Vakati pakapera zuva rechipiri hapana chakazobuda sezvo munhu uyu asina kubuda sezvainge zvavimbiswa.
“Inyaya yakanga yataurirwa vakuru vose kubvira vekuNational Parks nevedu kuno kumapurisa uko chiitiko ichi chakanga chakamirirwa nevanhu vose kuti vaone munhu achibuda ari mupenyu,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey