Uncategorized

Vakawanda vane dambudziko iri

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

MUZIMBABWE, zvose nekune dzimwe nyika, mune vanhu vakawanda vane nhengo dzakavandika dzechirume pamwe chete nedzechikadzi.

Mumwe wevanhu vakadai anowanikwa kwaMusami, kwaMambo Mangwende, kwaMurehwa uyo anonzi Masimba Chidahunha (51).

Chidahunha, uyo anozviti murume, akabuda pachena kuKwayedza kuti ane sikarudzi mbiri – yechikadzi neyechirume.

Pamusoro pezvo, Chidahunha ane mitumba yemazamu uye anofamba kunge mukadzi. Chiso chake chakawandira kumunhukadzi zvisinei nekuti anozviti murume uye ane ndebvu.

Chidahunha anoti anonzwa kuda madzimai sezvinoita vamwe varume.

Anoti dambudziko rake iri rakatanga ava nemakore 8 ekuberekwa.

Chidahunha anoti haasati ambosangana nemudzimai uye ane dambudziko rekutsvetswa nevarume nekuda kwemuviri wake uyo wakarerekera kumunhukadzi.

Anoti anorota achiyamwiwa mazamu ake nezvinhu zvaasinganzwisise kuti zvii.

Kunze kwaChidahunha, kwaNherera, kudunhu reMhondoro, kune mumwe murume zvakare anonzi Acry Shayamano (44) wemumusha waSabhuku Magejo ane mazamu akakura kunge emunhukadzi.

Shayamano anoti izvi zvakatanga makore mashoma akadarika nekuda kwemapiritsi ayo ari kunwa.

KuBulawayo kwaivawo nemumwe mumhanyi wembiri, uyo akazoshaika, Samukeliso Sithole, aizviita munhukadzi.

Mamiriro aSithole aigara achinetsa vatungamiri vemitambo yekumhanya vachimuti murume iye achiita nharo kuti mukadzi.

Chokwadi chinonzi chakazobuda afa apo akakumurwa mbatya akaonekwa kuti aive murume, kunyangwe zvazvo chimiro chake chaiita sechemukadzi.

Sithole aipfeka mbatya dzechikadzi semarokwe nguva dzose.

Kunyika yeSouth Africa, kune imwe nyanzvi yekumhanya, Caster Semenya, uyo akasvika pakuongororwa achinzi murume sezvo iye anozviti munhukadzi.

Mukuru wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti dambudziko iri rine vanhu vakawanda avo vanoda kuvhiiwa sikarudzi dzavo vosara nezvavanenge vakasimbira, zvingave zvemunhukadzi kana munhurume.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>