Vakomana ndokukunya kupasa pao-level

13 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

KANZURU inoona nezvekufambiswa kwebvunzo munyika, yeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), inoti huwandu hwevadzidzi vakapasa bvunzo dzeO-Level dzemuna2014 hwakakwira nechikamu che10% kuenda pa30.85% kana zvichienzaniswa negore ra2013.

Mubvunzo dzemunaMbudzi dzeO-Level muna2013, vadzidzi vakapasa nechikamu che20,72%.

Ongororo yakaitwa neZimsec inoratidza kuti pabvunzo idzi, vakomana vakapasa kudarika vasikana kunyangwe zvazvo pane dzeA-Level dzegore rapera vakomana vakakundwa.

Mukuru weZimsec, VaEsau Nhandara, vanoti kuburitswa kwakaitwa mapepa ebvunzo eMaths neEnglish eO-Level gore rapera nechikiribidi nguva yekunyorwa kwawo isati yakwana hakuna kukanganisa budiriro yevadzidzi.

“Huwandu hwevadzidzi vakanyora bvunzo dzeO-Level muna2014 hwaive pa316 003 uye mukati mavo vasikana vakange vari 86 308 avo vaive muzvikoro zveHurumende apo vasikana vakanyora vakazvimiririra (private candidates) vakange vari 77 545.

Huwandu hwevakomana vakanyora bvunzo dzimwe chete idzi muzvikoro zveHurumende hwaive 99 999 apo vakanyora vakazvimiririra vaive 52 151,” vakadaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey