‘Vakuru vemachechi mirai pachokwadi’

16 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘Vakuru vemachechi mirai pachokwadi’ Anywhere ‘Mr Favour’ Mukani

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
MUIMBI ari kusimukira mumusambo wenziyo dzechitendero anoti vatungamiriri vemachechi, kusanganisira maporofita, vanofanira kuve vanhu vane chiremerera uye vanomira pachokwadi.

Anywhere “Mr Favour” Mukani – uyo  achangobva kubura kambo kake katsva kanonzi “Commander Vasaina” – anoti kambo aka kane chinangwa chekupa yambiriro kuvatungamiriri vemachechi kuti vamire pachokwadi kwete kuti vararame nekubira vatendi kana kuita hukopokopo.

“Kambo aka kakanangana nekuti kana uri mutungamiriri unenge wasaina kuna Mwari kuti wava kutungamirira mukudzidziswa kweshoko. Unenge wava ‘Commander’ asaina kuti ndava kubata basa ari kutungamirira asi kwete nekunyengedza pamwe nekubira vanamati. Chimbo ichi chiri kuyambira nekudzidzisa maporofita kuti basa raMwari haridi chitsotsi mukati,” anodaro Mukani.

Mukani anoti kune vamwe vakuru vemachechi vari kupedzisira vabata vanhukadzi chibharo muzita rekunamata.

“Maporofita mazhinji vava kuona shoko raMwari seiwo mudimbudzirwa wekubira nawo vanhu. Kambo aka ndinovimba kuti kachava dzidziso uye chechenjedzo kuvanamati pamwe nekumaporofita. Vanamati ngavazive zvakare kuti kushingaira mushoko raMwari kune pundutso mune ramangwana ravo kwete mune zvavanoona nekubatirira kana kutora mukana wekunamata kuita zvakaipa. Yambiro huru ndeyekuti basa rekunamata ngaribatwe nemazvo kune avo vari kutungamirira makereke.”

Mukani anoti ari kutarisira kubuditsa dambarefu idzva nguva iri kutevera mushure mekupedza gore asati atsikisa rimwe dambarefu.

 

Share This:

Sponsored Links