Vakuru vezvikoro voyambirwa

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Vakuru vezvikoro voyambirwa VaShumba

Kwayedza

Daphne Machiri
MUKURU wezvedzidzo kudunhu reManicaland, VaEdward Shumba, vanoyambira vakuru vezvikoro vari kuita huwori hwekumbunyikidza vabereki vanenge vachitsvagira vana vavo nzvimbo dzechikoro vachivati vabvise mari yechiokomuhomwe kuti vanofanira kusiyana nekatsika aka sezvo iri mhosva.

Izvi zvinotevera mashoko ekuti pane vamwe vakuru vezvikoro vari kubvisisa vabereki vanenge vachitsvagira vana vavo nzvimbo dzechikoro mari kuitira kuti vawane nzvimbo idzi.

“Nzvimbo dzechikoro dzinopihwa pachena uye pasina mubhadharo. Mukuru wechikoro ndiye ane matomu ekupa nzvimbo uye kune avo vachabatwa vachiita zvechiokomuhomwe hazvisi pamutemo, ari kupa mari neari kutambira mari vese vanosungwa,” vanodaro VaShumba.  Vanoenderera mberi vachiti, “Tichitarisa chikamu chemutemo cheSection 11 yeEducation Act inoti mukuru wechikoro ndiye anova nemvumo bedzi yekunyora tsamba iyo yaanopa kumubereki wemwana kana achinge ashaya nzvimbo yechikoro. Tsamba iyi ndiyo yaanofamba nayo inoratidza kuti mwana ashaiwa nzvimbo pachikoro chaabva.”

Vanoti mwana wose ane kodzero yekuwana nzvimbo yekuti adzidze pasina rusarura.

“Mubereki akasununguka kutsvagira mwana wake nzvimbo yechikoro kwaanoda, kunyangwe hazvo vamwe vana vachizosangana nematambudziko akaita sekuti chikoro chiri kure zvinoita kuti mwana anonoke kusvika nekubata zvidzidzo nenguva. Dzimwe nguva mwaka yakaita seinonaya mvura vana vanonaiwa, vamwe vanototadza kuenda kuchikoro,” vanodaro VaShumba. Vanoti zvakakosha kuendesa vana kuzvikoro zviri pedyo nekwavanogara zvinova zvinovarerutsira pakufamba. “Section 81 yemutemo weEducation Act inotiwo mwana wose — mukomana kana musikana — ari pasi pemakore 18 okuberekwa ane kodzero yekudzidza zvakare nekuwana chikafu zvinova ndizvo zvakaita kuti Hurumende ivambe zvirongwa zveSchool Feeding Programmes zvekupa vana vechikoro zvekudya. Izvi zviri kubatsira vana kuti vadzidze zvakanaka uye vakaguta zvichizoita kuti vasarovhe kuchikoro,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links