‘Vana fumurai vadzidzisi ava’

27 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
‘Vana fumurai vadzidzisi ava’

Kwayedza

Munyori weKwayedza
MUKURU wesangano rinorwira kodzero yedzidzo yevanasikana, Tag A life International, Muzvare Nyaradzo Mashayamombe vanoti vabereki ngavatsigire vana vavo mudzidzo nekuvawanisa zvinodiwa. “Vanasikana ndivo vari panyatwa huru padambudziko iri nekuti vanogumisira vapihwa pamuviri pasina kurongeka. Izvi zvinoita kuti vasiire chikoro panzira mhuri dzavo dzove nedambudziko zvekare.

“Hurumende nevabereki vanofanira kurwira kodzero yedzidzo yevana kuitira kuti nyika isimukire nekuti vana ivavo ndivo hwaro hwebudiriro yenyika yemangwana,” vanodaro.

Vanokurudzira vadzidzi kuti vafumure nyaya dzakadai kumasangano anomiririra vana akaita seChildline, Unicef, kumhan’ara kumapurisa kana kuudza vabereki vavo.

“Vana vazhinji havatauri kana vachinge vambunyikidzwa nemunhu wavange vachivimba naye akaita semurairidzi uye vamwe vanenge vachitotya kuchinjwa chikoro, nokudaro vanofira murima.

“Tiri kuita kurudziro kumaruwa nemumaguta kuti vana vange vachifumura nyaya dzerudzi urwu. Imhosva huru kana zvikangozivikanwa, murairidzi iyeye anotomiswa basa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links