vana havaone chitunha

07 Apr, 2017 - 00:04 0 Views
vana havaone chitunha

Kwayedza

—‘Kutsvoda mufi ndiko kudii?’
— ‘Vana vanokura vasingatye’

Muchaneta Chimuka —
TSIKA yekuonekedzana nemufi chitunha chisati chavigwa yakagara ichikosheswa kubvira nakare. Asi mazuva ano pane zvimwe zvave kuitwa — izvo zvaiyera kare — zvimwe zvacho zvava kusiya veruzhinji vaine mibvunzo.

Nhasi uno hazvishamise kuona vana vari mumutsetse nevanhu vakuru vachionawo chitunha.

Vamwewo ndivo vanotosvika pakutsvoda mushakabvu iri nzira yekuda kuratidza rudo kumufi.

Nguva pfupi yadarika, pane vanhu — vaisanganisira pwere — avo vakaonekwa vaine bhokisi raive nechitunha iro ravaivheesa mudenga pamwe nekurikandirana pakati peguta reHarare izvo zvakashamisa veruzhinji.

SEKURU FRIDAY CHISANYU

Kwayedza yakaita ongororo pamusoro petsika yekuonekedzana nevafi ikanzwa zvakawanda.

Mambo Chipuriro vekuGuruve, VaClever Chipuriro, vanoti patsika dzechivanhu, vanhu vabva zera vane makore 18 zvichikwira ndivo bedzi vanokodzera kuonekedzana nevafi.

“Vana vari pasi pemakore 18 handioni paine chikonzero chekuti varatidzwe zvitunha nekuti havana chavanoziva maringe nerufu. Ndinoti kuita izvi kupedza nguva nekudira buka mavari.

“Ngatidzokerei kutsika dzedu dzakare kwete kutevedzera chiRungu nekuti hatisi vaRungu. Hongu, tinozviona zvichiitika pamaterevhizheni, vamwe vachitotsvoda zvitunha. Aiwa, zvitunha hazvikisiwi, tsvodo inopiwa kuvapenyu bedzi. Zvitunha hazvina zvazvinonzwa, chero zvikatsvodwa.

“Vanhu vanenge voda kunyepera kupa rudo kumufi asi panguva yaaive mupenyu vaimusema,” vanodaro.

Vanoshora zvakare imwe tsika iri kuitwa nevaroora yekuvhara musuwo unenge uchifanira kubuda nechitunha nemazambiya vachiti hazvitenderwi kuvharira mufi mukati iye achifanira kuenda kumakuva.

Mai Gloria Chari (47) vekuGuruve kwakare vanoti vanhu vazhinji vave kutsaudzira tsika dzechivanhu vachitoredzera maitiro emamwe marudzi.

GLORIA CHARI

“Vanhu vave kubatira chiRungu pamusoro apo tinoona vachiratidza vana zvitunha vachitoti nechiRungu, ‘Say goodbye to you daddy’ izvo zvisina kukodzera.

“Vana vakajaira kuona zvitunha havazotyi kana kupara mhosva dzekuuraya munhu nekuti vanenge vasati vave kuziva kuti zvinorevei. Kana mubereki achinge afa, mwana anoudzwa zvinenge zvaitika azonyatsotsanangurirwa akura achiratidzwa guva remubereki wake kwete kuti aone chitunha nekuti zvinogona kumushungurudza zveupenyu hwese,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Pedzisai Chaparadza (49) vachiti vamwe vanhu vari kurasa tsika dzechinyakare dzekuviga vafi apo pwere dzaitotenherwa mudzimba kusvika zvirongwa zvese zvenhamo zvapera.

“Isu tichikura hatina kana kumbosvika pamusha panenge paine rufu, taitovharirwa mumba kuti tisaziva kuti chii chiri kuitika. Kana nhamo iri yepamusha pedu, taitoendeswa kune mumwe musha kunyangwe nzira inenge yashandiswa nevanhu kuenda kumakuva yaitotora svondo isingatenderwi kufambwa nayo,” vanodaro.

Mai Linda Chimanikire (30) vanotiwo mufi anopihwa ruremekedzo rwukuru kupinda munhu mupenyu, nekudaro haafaniri kuitwa dambe naye.

“Chitunha hachionekwi nemunhu wese-wese — kunyanya, madzimai anenge akazvitakura nevanhu vasina hana dzakasimba sevaye vane zvirwere zveBP. Kazhinji kacho ndipo paye pamunoona pachizoita nhamo mbiri mumwe munhu atsemuka hana ofa mushure mekuona chitunha,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Zvinoitwa nevanhu vabva zera uye vakashinga, kunyangwe vamwe vanhurume vane hana nhete vanotorambidzwa kuona zvitunha senzira yekuderedza mikana yekufenda uye kurasikirwa neupenyu.

“Kana uchitya kuona chitunha unogona kuzongokanda ivhu muguva panguva yekuvigwa kwemutumbi kana kungomira nechekure.”

Nyanzvi munyaya dzechivanhu vari zvakare mutungamiriri wesangano rinomirira n’anga nemaporofita, reZimbabwe National Practioner’s Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti vanhu vabva zera ndivo vanokodzera kuona chitunha, kwete pwere.

“Vana vasingazivi kuti rufu chii havafaniri kuona zvitunha nekuti zvinovashungurudza mupfungwa. Vanosvikirwa kana kuti vanopoterwa nemidzimu havafaniri zvakare kuona zvitunha nekuti anenge achisvikirwa nemunhu akafa, nokudaro vakafa havaonani.

“Vakazvitakura vanogona kupedzisira voparadzika pamuviri nekuda kwekutya saka havafaniri kuona zvitunha. Uyewo mwana ari mudumbu anotorwa semunhu akachena saka amai vake vakaona chitunha iye anenge ave kunzi asvibiswa nekuti anenge atochionawo,” vanodaro.

Mai Serbia Chimuka (50) vanotiwo makare-kare hakuna zvitunha zvaivigwa pachivanze chemusha asi kuti zvaitoendeswa kumakomo, kumapako kana kumapani ari kure nemisha senzira yekuti vanhu vasaramba vachirangaridzwa nezvemufi.

“Chava chiRungu, vanhu vave kuvigwa pazvivanze chaipo vamwe mukati medzimba nemumakereke zvinova zvinopikisana nechivanhu chedu. Kare dzinza nenzinza raive nenzvimbo yaro yakatarwa kuti ndeyekuviga vafi.

“Vanhu vaizongoenda kumakuva kunosakura masora nekuvakurudza makuva anenge ave kudhirika kana kuti pachiitwa zvirango zvekurangarira vafi semapira ekudzosa mweya wemufi mumusha kana nyaradzo,” vanodaro.

Imwe nyanzvi yezvechivanhu, Mbuya Martha Reid, vanotsinhira vachitiwo chitunha chinoonekwa nehama neshamwari dzepedyo bedzi, vabva zera kwete pwere. Vanotizve kuona chitunha hakumanikidzwe asi kuti vanoda bedzi ndivo vanopihwa mukana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey