Vana mai veruwadzano vobvutidzana murume

16 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
Vana mai veruwadzano vobvutidzana murume

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso

MADZIMAI maviri echechi yechipositori yekwaMugodhi akaendesana kumatare edzimhosva nenyaya yekugara vachirwira murume nekutyisidzirana nemishonga yekun’anga.Nitine Batsiri akamhan’arira Grace Mutare kuHarare Civil Court achiti anodanana nemurume wake uye anogara achimurova pose paanenge asangana naye achimuti achembera nekudaro anofanira kumupawo mukana wekusasana nemurume uyu.

“Mambo wangu, mukadzi uyu handina hukama naye. Hukama hungoripo ndewekuti tinonamata tose chete.

“Kunetsana kwedu kwakabvira kare ndikatomboendesa nyaya iyi kuvakuru vechechi zvikaita sekunge zvava nani asi nyaya haina kuperera ipapo,” akadaro Batsiri.

“Mukadzi uyu mushure mekunge aona kuti ndamutaurira nyaya yekufambidzana kwaanoita nemurume wangu kuvakuru vechechi, akabva atanga kundityisidzira.

Akanditi anoda kundiendera kun’anga kuti andikuvadzise nekuti ndachemberera pamurume saka ndave kufanira kuti ndimupewo mukana.”

Akati rimwe zuva akambosangana naMutare mumugwagwa apo aive neshamwari dzake ndokubva atanga kumutukirira nezvinyadzi.

“Anondishungurudza zvisingaite. Pane pandakambosangana naye mumugwagwa aine shamwari dzake akatanga kundituka achindiudza mashoko andisingagone kutaura pano. Chikumbiro changu ndechekuti asiyane nekundituka uye ngaatsvage murume wake ega kwete wangu,” akadaro.

Mutare akaudza dare kuti Batsiri ndiye aitomurwisa.

“Amai ava ndivo vakatondirwisa vachinditi ndisiyane nemurume wavo.

‘‘Ndakabva ndangosiyana nemurume wavo pavakandirova saka zvose zvavari kutaura kuti ndinovatuka manyepo,” akadaro Mutare.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Batsiri gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links