‘Vana tevedzerai chivanhu’

01 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
‘Vana tevedzerai chivanhu’ Mai Getrude Katena

Kwayedza

Malven Mugadzikwa
VECHIDIKI vanofanira kukoshesa tsika dzechivanhu uye kukura vachidzidziswa hunhu hwakanaka nekuti chizvino-zvino chave kuita kuti vamwe vavo varasike. Mashoko aya akataurwa naMai Getrude Katena, avo vanove mukuru weSelborne Routledge School, muHarare, apo chikoro chavo chaicherechedza zuva reAfrica Day svondo rapera.

Zuva iri rinopembererwa musi wa25 Chivabvu muAfrica yose uye rinocherechedza kuvambwa kwakaitwa sangano reAfrican Unity (AU).

“Pakupemberera zuva iri, tiri kudzidzisa vana kukosha kwakaita Africa Day uye zvinangwa zvakaumbirwa sangano reAU. Chinangwa chedu chikuru kuti vana vazive kukosha kwakaita Africa uye kuchengetedzwa kwetsika dzechivanhu. Izvi zvinoita kuti vana vakure vaine hunhu hwakanaka.

“Vana vedu vazhinji, kunyanya vari kukurira mumadhorobha, varasana nechivanhu chedu pamwe chete nemadzinza avo. Vamwe vanongoziva vabereki vavo chete kudzinza ravo zvinova zvisiri mutsika dzedu dzechivanhu.
“Tsika dzedu dzinokurudzira kudyidzana kwakanaka uye kufambirana.

‘‘Chikafu chechivanhu chaicho vazhinji havachizivi. Zuva iri tinoritora kudzidzisa vana nevakuru magariro edu pachivanhu kuburikidza nekupfeka, kudya pamwe nemitauro,” vanodaro.

Pamhemberero idzi, vana vechikoro vakanga vakapfeka zvemuAfrica, zve”African attire” uye paidyiwa chikafu chechivanhu.
“Tasarudza kuti zvose zvive muchivanhu senzira yekudzoreredza tsika nemagariro edu. Vana takavakomekedza kuti vauye vakabikirwa chikafu chechivanhu kuitira kuti ivo pamwe nevabereki vavo vazive kukosha kwezuva iri.

“Zuva iri taritora kuti tisangane nevabereki vevana vedu tichitandadzana nemitambo pamwe nemadetembo ane dingindira rekukosha kweAfrica Day netsika dzedu,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Chikafu chatinacho pano chinosanganisira miriwo yechivanhu ine dovi, mutakura, maheu nezvimwe. Zvose izvi inzira yekuvandudza nekukurudzira tsika nemagariro edu.

“Tiri kuzviitira zvakare padzimba dzatakavaka dzechivanhu (culture village) pachikoro pano. Tinozvikoshesa nekuti sechikoro, takaona kuti pava nemusiyano wemakuriro ekare neazvino.”

Mai Katena vanoti zvakakosha kuti vana vanodzidza mumadhorobha vapote vachishanya kumaruwa kunobva vabereki vavo uko vanodzidzawo zvakawanda maringe netsika nemagariro.

Vanotarisira kuti mhemberero dzeAfrica Day dzicharamba dzichivandudzwa pachikoro chavo sezvo zuva iri rakakosha muZimbabwe nemuAfrica yose.

Share This:

Sponsored Links