Vana vakatsvunha shona

12 Dec, 2014 - 22:12 0 Views
Vana vakatsvunha shona

Kwayedza

Ed2

PRINCE Machemedze

Muchaneta Chimuka
VANA vakawanda vakanyora bvunzo dzeGrade 7 dzeZimbabwe School Examinations Council (Zimsec) dzegore rino vakabudirira zvikuru pabvunzo dzeShona kana zvichienzaniswa nezvimwe zvidzidzo.Ongororo yakaitwa neZimsec inoratidza kuti pavana 308 888 vakanyora bvunzo dzeGrade 7 gore rino, chikamu chevakapasa Shona i86,03%, Ndebele 77,24%, English 46,64%, Maths 52,20% uye General Paper 45,38%.

Svondo rino Kwayedza yakaita ongororo kune zvimwe zvikoro zviri muguta reHarare uko vana vaitsvaga nzvimbo dzeForm 1 ndokuona kuti vakawanda vavo vakabudirira mubvunzo dzeShona kudarika zvimwe zvidzidzo.

Ropafadzo Matunga (13), uyo aidzidza paTsikanda Primary School, akabuda nezvibodzwa zvinoti Shona 1, English 2, Maths 1, neGeneral Paper 1.

Mugore ra2011, Ropafadzo akahwinha mubairo neKwayedza pasi pechirongwa che“Detemba Tinzwe” mushure mekunge anyora nhetembo yaive nemusoro unoti “Ndiyo Dzidzo”.

Baba vake, VaGibson Matunga, vakashanyira mahofisi eKwayedza svondo rapera vachiti vanonzwa manyuku-nyuku nekuda kwekupasa kwakaita mwana wavo.

“Ndinofara zvikuru nekupasa kwakaita mwana wangu asi ndisingakanganwi kutenda Kwayedza nechikamu chenyu che“Denhe Reruzivo” nekuti chinobatsira vadzidzi vakawanda kubvira kupuraimari kusvika kusekondari.

“Ini semubereki ndaitotora danho guru rekutengera mwana wangu pepanhau iri kuti abatsirikane. Kuburikidza nekupasa kwaakaita, hazvina kana kumutorera nguva kuti awane nzvimbo yeForm 1 paZimuto High School, kuMasvingo,” vakadaro.

Vamwe vevana vakataurwa navo neKwayedza vakati vakabudirira mubvunzo dzeShona nekuda kwekuti vaiwaniswa mabhuku ekuverenga anokwanirana uye vakabatsirikana zvikuru kuburikidza nezvikamu zvebepanhau reKwayedza izvo zvavanoti zvinodzidzisa.

Nyasha Kunaka (13) uyo aidzidza kuSt Marks Zimondi, kuChivhu akatsvuna Shona ndokuita 1 yuniti.

“Ini ndaifarira chidzidzo cheShona zvakanyanya nekuti handaida kunyadziswa nekukonewa mutauro waamai uyo watinogara tichishandisa zuva nezuva.

“Ndinopa kutenda kuvabereki vangu avo vaindibatsira nekunditengera mabhuku ekuverenga,” akadaro.

Nyasha akabudirira kuwana nzvimbo yake yeForm 1 paGirls High, muHarare uye zvimwe zvidzidzo zvaakapasa zvinoti English 3, General Paper 3 neMaths 1.

Mitchell Mapiye (12), uyo aidzidza paMunyaradzi Primary School, kuBuhera, akabuda zvakare ne1 kuShona apo English akaita 3, General Paper 1 neMaths 1.

Mapiye akasangana neKwayedza aine vabereki vake achitsvaga nzvimbo yeFomu 1 paMufakose High School.

Vanessa Siziva (13) aidzidza paSalula Primary School, kuZvishavane akaita Shona 1, Maths 4, English 4 neGeneral Paper 6.

Vamwe vadzidzi vakapasa Shona vanoti Iganatious Pazura (14) wekuWarren Park 2 Primary akawana 3 mayunitsi, Tadiwa Machemedze (13) nemupatya wake Prince Machememedze vese vakabuda ne2 yunitsi kuShona.

 

Share This:

Sponsored Links