Vana vanoda rubatsiro

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views

Kwayedza

PANGAVE nevamwe vasati vave neruzivo rwekuti bazi rinoona nezviri kuitika munyika (Ministry of Home Affairs) rave negurukota idzva, Dr Ignatius Chombo vakatora chinzvimbo chaCde Kembo Mohadi vakaitwawo gurukota rinoona nezvekuchengeteka kwenyika mumahofisi emutungamiri wenyika (Minister of State for National Security in the President’s Office).

Dr Chombo vaimbove gurukota rezveHurumende dzematunhu (Local Government, Public Works and National Housing) kwemakore 15 adarika. Chinzvimbo chavo chakatorwa naCde Saviour Kasukuwere, vakabvawo kune rimwe bazi. Cde Mohadi vakabatawo segurukota rinoona nezvinoitika munyika kwemakore gumi nematatu.

Musvondo rekutanga remwedzi waNyamavhuvhu, Dr Chombo vakabvakachira dzimwe nzvimbo dziri pasi pebazi ravo. Musi wa6 Nyamavhuvhu, vakashanyira mapazi akasiyana-siyana emahofisi emapurisa muguta reHarare, kuti vaone mashandiro avo.

Cde Chombo vakatora mukana uyu kuyambira vanhu vari kupara mhosva dzakasiyana-siyana, kusanganisira ny’any’a dziri kubira vanhu dzichivatengesera nzvimbo dzekuvaka dzimba dzekugara, asi dziri nzvimbo dzekanzuru kana Hurumende.

Vakayambirawo vatyairi vanotyora mitemo kunyanya vanotyaira vakadhakwa. Vari ipapo zvakare vakataura dambudziko ratarisana nenyika kubva kuvana vezvikoro vari kutora zvinodhaka. Dr Chombo vakati: “Tave kusanganawo nedambudziko guru revana vezvikoro vari kutora zvinodhaka.” Vakatiwo nyika haizorambi yakayeva ichiona hunhu huchiparara kudai. (“We are now experiencing disturbing incidents of schoolchildren who are abusing drugs. As a country, we will not brook such moral decadence.”)

Hapana vabereki kana vanhuwo zvavo vangaramba mashoko aDr Chombo pamusoro pehunhu hwave muvana vechikoro vari kunwa nekutora zvinodhaka. Vana vechikoro vari kunwa hwahwa hwakasiyana-siyana, kusanganisira nehumwe hunoparadza mapapu nezviropa zvakafanana nehumwe hwahwa hunonzi hunenge kachasu chaiko. Vamwe vari kunwa mishonga yechikosoro inosanganisira Broncleer (Bronco) neHistalix kuti vadhakwe.

Zvimwe zvinodhaka zvinosanganisirawo mbanje, cocaine, heroin, ecstasy nezvimwe zvavari kusanganidzana nazvo mupasi riri kushanduka zuva nezuva. Kana chinhu chapfurikidza mwero zvoreva kuti rave dambudziko kune ari kuzviita, kumhuri yake, kuchikoro chaari kudzidza dakara tave kuti ave mutoro kunyika yose.

Iyambiro yakauya panguva yakanangana nezoror rezvikoro zvokuti pari nhasi dai iri nyaya iri kutsviriridza kuti toitei nevana vapanduka zvakadai? Kana vakatora nekuputa zvinodhaka vachiri kuchikoro, dzidzo yacho ichapera here, kana kuti dzichazongove ngano? Mhedzisiro ndeyokusiya chikoro. Zvimwe zvinodhaka izvi zvinouraya kana kukanganisa pfungwa.

Mamwe matambudziko anouya nezvinodhaka izvi ndeokuti vana vanorasa hunhu zvokuti hapana wavanenge vacharemekedza, kusanganisira vabereki kana vadzidzisi. Kana zvadaro zvoreva kuti kana mitemo yenyika vanenge vachiizvidza.

Mukudhakwa ikoku vamwe vanenge vave kufungawo kuti vane kodzero zvakare yekuenda pabonde vasina kuwanana, kazhinji kacho vachizviita vasingazvidziviriri kuzvirwere nokubata pamuviri. Mhedzisiro ndeyokuti vasikana vanobata pamuviri vasina kugadzirira kuve vabereki. Vasikana vari kubata pamuviri vasati vasvitsa makore 18 vari kuramba vachiwanda.

Pabonde ipapo vanogonawo kuzadzana zvirwere kusanganisira chirwere chemukondombera. Vamwe vakomana vanopedzisira vapara mhosva dzekubata vasikana kana madzimai chibharo.

Mamwe matambudziko anosanganikwa nawo ndeemhirizhonga. Vazhinji vavo vanorwisana vachikuvadzana, kana kuti vanorwisa vabereki vatsiurwa, vopedzisira vave kujeri.

Share This:

Sponsored Links