‘Vana vanoda rutsigiro’

17 Dec, 2014 - 08:12 0 Views

Kwayedza

VABEREKI vanofanira kutsigira vana vavo zvakazara munyaya yedzidzo sezvo iri iyo musimboti weupenyu.

Vachitaura pakupihwa kwemibairo kuvana pachikoro cheShingirirai Primary School, kuMbare svondo radarika, Mai Frances Lawson, avo vanova director of students project paSt Georges College, vakati vana vanoda rutsigiro rwevabereki nevadzidzisi mufundo yavo.

“Ndapota vabereki, vakuru vemachechi pamwe nevanotungamirira zvirongwa zvakasiyana, tsigirai fundo yevana nekuti rume rimwe harikombe churu. Ngatibatanei pakusimudzira dzidzo yevana vedu vagokura vaine hunhu hunoyemurika,” vakadaro Mai Lawson.

VaNaboth Nhende, avo vanova mukuru wepachikoro ichi, vakatsinhira mashoko aya vachiti mwana wose anofanira kuwaniswa mukana wekudzidza akasununguka.

Mutevedzeri wavo, VaChristopher Hlatywayo, vakati dzidzo yemunyika muno, iyo yaita kuti Zimbabwe ive pamusoro pedzimwe nyika dzose muAfrica, inodadisa uye inofanira kuramba ichisimudzirwa.

Vakatenda vadzidzisi vepachikoro chavo nekuzvipira mubasa ravo.

Zuva iri rakaona chikoro ichi chichigashidzwa zviri pamutemo bhazi rinotakura vanhu 40 iro rakatengwa nesangano revabereki, reSchool Development Committee, pamwe nekuvhurwa kwelibrary ine makombuyuta 22.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>