Vana vari kudzidza zvebudiriro: Hungwe

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

HURUMENDE iri kutora matanho akakodzero ekuona kuti dzidzo kubvira kupuraimari, sekondari, makoreji pamwe nemayunivhesiti inoenderana nemabasa anodiwa mukusimudzira budiriro yenyika.

Mashoko aya akataurwa svondo rapera negurukota reHurumende rinoona nezvedzidzo, Cde Josiah Hungwe, mudare reNational Assembly.

Cde Hungwe vaipindura mubvunzo wemumiriri weGokwe Nembudziya, Cde Justice Mayor Wadyajena avo vaida kuziva matanho ari kutorwa mukusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawako mumakoreji nemayunivhesiti.

Cde Hungwe vakati nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo izvi, Hurumende yakaumba komiti (Inter-Ministerial Committee) yemapazi anosanganisira anoona nezvedzidzo kuitira kuti pave nemuonerapamwe panyaya iyi.

“Komiti iyi yakaumbwa nechinangwa chekuti pave nesungawirirano panyaya dzinosanganisira kudzidziswa kwemabasa emawoko,” vakadaro.

Vanoti bazi ravo riri kuita hurukuro nevemaindasitiri, kusanganisira sangano reConfederation of Zimbabwe Industries (CZI) kuti vawane nzira dzekuti vadzidzi vadzidziswe zvinoenderana nemabasa avachazoita kana vapedza chikoro.

Matanho akadai aya, vanodaro Cde Hungwe, anobatsira pakuti vechidiki kana votsvaga mabasa zvinozove nyore.

Cde Hungwe vanoti bazi ravo riri kuitawo hurukuro nedzimwe nyanzvi dzezvedzidzo pamwe nevakuru vemachechi nedonzvo rekuti zvidzidzo zvemabasa emawoko zvingasimudzirwe sei.

Vanoti ongororo iri kuitwa nebazi rezvidzidzo yepuraimari nesekondari yezvidzidzo zviri kuitwa muzvikoro (cirriculum review) ichabatsira zvakare mukuvandudzwa kwezvidzidzo zvemabasa emawoko.

Cde Hungwe vanoti bazi ravo rakatoshanyira zvimwe zvikoro zviri muHarare, Matabeleland South, Manicaland neBulawayo richida kuona mamiriro akaita zvinhu maringe nezvidzidzo izvi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey