Vana vechikoro 30 vakasungirwa mbanje -Vakabatwa vaine chitsapo chizere

11 Jul, 2014 - 17:07 0 Views
Vana vechikoro 30 vakasungirwa mbanje -Vakabatwa vaine chitsapo chizere

Kwayedza

Pot_in_Washington
VANA 30 vepachikoro cheChikowore Secondary School, kwaShe Chivero kuMhondoro, svondo rapera vakasungwa nemapurisa vachipomerwa mhosva yekuputa pamwe nekutengesa mbanje. Nyaya iyi yakaitika apo mukuru wechikoro ichi, uyo akangozivikanwa nezita rekuti VaMatanyaire, anonzi akatora vana ava, zvose vakomana nevasikana, ndokuenda navo kumapurisa mushure mekunge pachikoro apa pawanikwa dzutswa kana kuti chigafutu chembanje yaiva mupurasitiki re2 kg yeshuga.

Kuwanikwa kwembanje iyi kunonzi kunotevera nguva refu yekusagadzikana kwezvinhu apo, vana vechikoro vakange vave nhubu vasingaterere vadzidzisi vavo nemukuru wechikoro zvose.

Mushure mekuwanikwa kwembanje iyi, iyo inonzi yaive yakachengeteswa mumwe musikana, vana ava vakabva vatorwa nemukuru wechikoro ndokuitiswa mudungwe vakananga kukamba yemapurisa, iyo inova chinhambwe chemakiromita matatu.

Vana vechikoro vaive munyaya iyi chinobvira Form 1 kusvika Form 6 uye vari vemazera ari pakati pemakore 16 kusvika 18 okuberekwa.
Vana ava vakanobvunzurudzwa nemapurisa epakamba yeNyamweda Police Base ndokukomerwa zvakasimba kuti vasiyane netsika iyi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vakatsinhira nyaya iyi.

“Ichokwadi kuti nyaya yakadai, yevana vakawanikwa vaine mbanje, yakasvika kwatiri semapurisa. Zvinonzi kune mumwe mwana mukati mevana vangangosvika 30 uyo akadonhedza chipepa chaiva chizere mbanje.

“Vana ava pakubvunzwa vakazodurana vachitaura vose vavaiputa navo ndokuzosvika pahuwandu uhwu.
Mukuru wechikoro ichi, VaMatanyaire, vaona paparwa mhosva vakazotinha vana ava kunosvika navo kukamba yemapurisa uko vakabvunzurudzwa nekukomerwa kuti vasazozviita zvakare uyekuziviswa kuti nyaya iyi yaigona kuvaendesa kujeri yovakanganisa chikoro,” vakadaro Insp Mabgweazara.

Mapurisa akazorega vana ava kuti vaende zvavo uye zvinonzi hapana akadzingwa chikoro nekuda kwenyaya iyi.
Kwayedza haina kukwanisa kuziva kana paine mamwe matanho ekuranga vana ava akazotorwa nevakuru vechikoro ichi.
Insp Mabgweazara vakayambira vana vechikoro kuti vasiyane netsika dzekutora zvinodhaka, ringave doro kana mbanje.

“Tinotarisira kuti vana vechikoro vamboita zvechikoro kwete kuwanikwa vave kuita zvekuputa mbanje kana zvemadzimai sezvo upenyu hwave kuda vanhu vakadzidza,” vakadaro.

Mukuru wezvedzidzo kana kuti Provincial Education Director (PED) kuMashonaland West, VaSylvester Mashayamombe, vakaedza kutaurwa navo panhare pamusoro penyaya iyi vakati vaida kuita zvekunyorerwa mibvunzo yacho pasi kuti vazopindura pane kuita zvepanhare.

“Itai zvekunyora mibvunzo yenyu pasi, e-mail yedu haisi kushanda saka handigone kukupai iyoyo. Chamungatogona kuita chete shandisai fax kuti tizowanawo magwaro ekusvitsa kuvakuru vedu vari kumusoro nekuda kwenyaya yamunoda,” vakadaro VaMashayamombe.

Chikoro chimwe chete ichi ndicho chine nyaya yakambobuda mupepanhau rino, yemumwe mudzidzisi wechidzimai wemasvomhu, uyo ainzi aidanana nemwana wechikoro waaidzidzisa.

Share This:

Sponsored Links