Vana vemhuka

15 Jul, 2016 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga

CHIKAMU chino tichabata zvemhuka dzemusango nedzinochengetwa pamusha tichiburitsa mazita enzombe nehadzi dzacho pamwe nevana. Izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zvatinotarisira kusangana nazvo mubvunzo.Sekutaura kwandinogaroita kuti ndinobata kwese kwese kuitira kuti tive neruzivo rwakakwana. Tinobata kwese nekuti bvunzo rakafanana nemimba, tinozoziva kuti mukomana kana kuti musikana kana mwana azvarwa asi pese apa tinenge tichiita gadziriro yezvipfeko, chero zvipi hazvo zvingangopfekwa nemucheche, mukomana kana musikana.

Mubvunzo hatizivi chinouya nekudaro tinokandira demo redu uko neuko.

Ndinotanga nezvipfuyo zvepamusha. Mombe hono inonzi handira kana kana isina kuchekwa. Inodaidzwa zvakare kunzi ngavi kana kuti ngunzi. Vamwewo vanoti jon’osi kana kuti gwaimani.

Kana yava mombe hadzi yakabereka inonzi mhou. Kana iri hadzi yasvika pakuda kubereka inonzi tsiru. Mhuru hadzi inonzi borombe kana kuti mhorombe. Mhuru nzombe ichangoberekwa inonzi munava. Inogona zvakare kunzi nhedzana asi kana charumurwa pamukaka chinonzi gondora. Pazvose, mwana wemombe imhuru.

Mbudzi hono inonzi gotora kana kuti mbocho. Kana iri hono uye yakachekwa yava kunzi n’anza. Kana isina kuchekwa asi ichiri diki inonzi chikotora kana kuti chikweme. Kana yati kurei yava kunzi gutukutu.

Mbudzi hadzi yava kubereka inonzi dimbura. Kana iri hadzi ine mwana yonzi mandaudzi. Kana yebereka kupfuura kamwe chete yava kunzi nhunzvi. Mbudzi hadzi isati yabereka inonzi sheshe. Mwana wembudzi anonzi mbudzana kana kanyenye.

Mwana wehuku anonzi nhiyo kana kuti hukwana. Huku hono inonzi jongwe. Kana yava hadzi yakabereka inonzi sheshe. Huku hadzi inenge yokandira inonzi tseketsa kana kuti sekero.

Hwai hono inonzi hondohwe kana kuti shere. Hadzi iri isati yabereka inonzi dunzvi. Mwana wehwayi anonzi hwayana kana kuti bwizana.

Nguruve inodaidzwa zvakare kunzi humba. Nguruve hadzi isati yabereka inonzi sheshe. Yakabereka inonzi dunzvi. Mwana wenguruwe anonzi chigwi kana kuti ngurwana kana kuti humbana.

Katsi hadzi nenzombe dzinongonzi katsi. Kana ava mwana wacho ava kunzi chidharimbo.

Share This:

Sponsored Links