Uncategorized

Vana vodzidzira panze

25 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Vana vodzidzira panze Vana vanodarika 1 500 vepuraimari nesekondari vekuChingwizi, kuMwenezi East, kuMasvingo vari kudzidzira pamhene.

Kwayedza

‘Batsirai zvikoro zvekuChingwizi’

George Maponga ari kuMASVINGO
VANA vanodarika 1 500 vepuraimari nesekondari vekuChingwizi, kuNuanetsi Ranch, kuMwenezi East, mudunhu reMasvingo, vari kudzidzira pamhene zvichitevera kusakara kwezvivakwa zvavo zvavaifanombofundira izvo zvakagadzirwa nematende.Zvivakwa izvi zvakange zvavakwa kuti vana ava vanofanodzidzra kwenguva pfupi paNyuni Primary nesekondari, paTokwe-Mukosi Primary (Tugwi-Mukosi) neChingwizi Primary asi zvikoro izvi zvose nedzimba dzevadzidzisi zvasakara.

Mamwe ematende aifundira vana ava ave kubvinza zviri kuita kuti mabhuku avo pamwe nezvigaro zvinaiwe nemvura.

Zvikoro izvi zvinopindwa nevana vanodarika 3 000 avo vakabviswa kunzvimbo yeTugwi-Mukosi basin iri kwaChivi pakavakwa dhamu rakakura kudarika mamwe ose emunyika muno, reTugwi-Mukosi iro rakakumikidzwa zviri pamutemo mugore ra2016.

Hurumende yakabatsirana nemamwe mapoka kuti pafanove nezvikoro zvina kuChingwizi izvo zvakavakwa nematende kuchimirirwa kuvakwa kwezvakanaka. Mwenezi District Administrator, Muzvare Rosemary Chingwe, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kuzvikoro zvekuChingwizi.

Vanoti dzimwe nguva vamwe vana vari kudzidzira mumakirasi ane matende anenge achibvinza mvura nekuda kwekusakara.

“Mamiriro ezvinhu haana kunaka, matende akawanda akashandiswa kuvaka zvikoro zvina izvi zvekufanodzidzira kwenguva duku pano (paChingwizi) asakara nekudaro ave kubvinza mvura ichipinda mukati izvo zvave kukanganisa dzidzo kana kuchinaya.

“Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo pari zvino nekuda kwekuti tiri pakati pemwaka wekunaya kwemvura uye dzimwe nguva mabhuku evana nezvimwe zvinoshandiswa pakudzidza zviri kunaiwa,” vanodaro.

Vanoti kunyangwe dzimba dzematicha idzo dzakagadzirwawo nematende dzasakara.

“Varairidzi vakawanda vari kugunun’una kuti matende edzimba dzavo asakara uye ari kubvinza mvura nekudaro vari panjodzi yekuwirwa ivo nemhuri dzavo nekuda kwemhepo inenge ichivhuvhuta apo kunenge kuchinaya,” vanodaro Muzvare Chingwe.

Vanokurudzira Hurumende nevamwe vabatsiri kuti vabatsire zvikoro izvi nechimbi-chimbi.

“Tiri kukumbira rubatsiro rwechimbi-chimbi rwematende matsva ekutsiva aya asakara akagadziriswa makirasi muzvikoro zvina izvi kuitira kuti vana nematicha vashandire munzvimbo dzakakodzera,” vanodaro.

Muzvare Chingwe vanoti panodiwa matende anosvika 100 kuitira kuti fundo irambe ichienderera mberi muzvikoro zvina izvi. Nzvimbo yeChingwizi yakatarisanawo nedambudziko remvura yekushandisa zvakare nekuda kwekudzikira kwemvura yemuzvibhorani zviri muzvikoro izvi.

Izvi zvinoita kuti vana vechikoro vapedzisire vave kushandiswa mvura isina utsanana iyo inenge ichiyerera mumigero inoshandiswa mumadiridziro kuMutapa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>